1Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
2Taurai navana vaIsiraeri, muti kwavari, Kana murume ane zvimwe zvinoyerera, zvinobuda pamuviri wake, uchava usina kunaka nokuda kokuyerera kwake.
3Ndiko kusanaka kokuyerera kwake: Kana muviri wake uchibudisa zvinoyerera, kana muviri warega hawo kubudisa zvinoyerera, ndiko kusanaka kokuyerera kwake.
4nhovo imwe neimwe yaanovata pamusoro payo ichava isina kunaka; nechinhu chimwe nechimwe chaanogara chichava chisina kunaka.
5Ani naani unobata nhovo dzake, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
6Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
7Munhu unobata muviri waiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
8Kana munhu une zvinoyerera akapfira mumwe wakanaka mate, iye ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
9Chigaro chipi nechipi chinogarwa nomunhu une zvinoyerera chichava chisina kunaka.
10Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
11Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
12Hari yevhu inobatwa nomunhu une zvinoyerera ngaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumwe nomumwe anofanira kusukurudzwa nemvura.
13Kana munhu une zvinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe okuzvinatsa kwake, zvino asuke nguvo dzake, ndokushambidza muviri wake nemvura inoyerera, anake.
14Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva, auye pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana, ape mupristi idzedzo;
15zvino mupristi anofanira kudzibayira, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa; mupristi amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwake.
16Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushambidza muviri wake wose nemvura, agova usina kunaka kusvikira madeko.
17nguvo ipi neipi, nedebwe ripi neripi, zvadonherwa nembeu, zvinofanira kusukwa nemvura, zvive zvisina kunaka kusvikira madeko.
18Mukadziwo wakavata nomurume nembeu, vose vari vaviri vanofanira kuzvishambidza nemvura, vave vasina kunaka kusvikira madeko.
19Kana mukadzi ane zvinoyerera, zvinoyerera pamuviri wake riri ropa, uchava pakusanaka kwake mazuva manomwe; ani naani unomubata uchava usina kunaka kusvikira madeko.
20Chinhu chipi nechipi chaanovata pamusoro pacho pakusanaka kwake chichava chisina kunaka, uye chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka.
21Ani naani unobata nhovo dzake anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
22Ani naani unobata chinhu chipi nechipi chaanogara, anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
23Kana akabata chinhu chiri panhovo, kana chinhu chipi nechipi chaanogara, uchava usina kunaka kusvikira madeko.
24Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhovo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.
25Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.
26nhovo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhovo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kokuva kwake kumwedzi.
27Ani naani unobata zvinhu izvo uchava usina kunaka, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
28Asi kana anatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe; kana iwo apera uchava wakanaka.
29Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, auye nadzo kumupristi, kumukova wetende rokusangana.
30Zvino mupristi anofanira kuuraya imwe, chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa; mupristi amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kokusanaka kwake.
31Saizvozvo munofanira kuparadzanisa vana vaIsiraeri pakusanaka kwavo, kuti varege kufa pakusanaka kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo.
32Ndiwo murayiro womunhu une zvinoyerera, nounobudisa mbeu yake, akazova usina kunaka nazvo;
33nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka.