Shona

Syriac: NT

Leviticus

16

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi, shure kokufa kwavanakomana vaAroni, musi wavakaswedera pamberi paJehovha, vakafa;
2Jehovha akati kuna Mozisi, Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mechidzitiro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa, chiri pamusoro peareka, kuti urege kufa; nekuti ndichazviratidza mugore pamusoro pechifunhiro chokuyananisa.
3Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondobwe, chive chipiriso chinopiswa.
4Anofanira kufuka jasi dzvene romucheka, avewo namabhurukwa omucheka pamuviri wake, nokuzvisunga chiuno chake nebhanhire romucheka, nokudzikawo nguwani yomucheka; ndidzo nguvo tsvene; ngaashambidze muviri wake nemvura, agozvifuka.
5Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondobwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa.
6Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake.
7Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana;
8Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri.
9Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi.
10Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
11Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi;
12ipapo ngaatore harana yezvinonhuhwira, izere namazimbe omoto uri paaritari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuhwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro;
13zvino ngaaise zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi bwezvinonhuhwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa;
14zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomumwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomumwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa.
15Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa;
16anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo.
17Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri.
18Ipapo anofanira kubuda kuaritari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzearitari panhivi dzose.
19Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomumwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana valsiraeri.
20Kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rokusangana, nearitari, ngaauye nembudzi mhenyu,
21Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakange arairwa.
22Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; anofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
23Zvino Aroni anofanira kupinda mutende rokusangana, anofanira kubvisa nguvo dzake dzomucheka, idzo dzaakanga akafuka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, agodzisiyapo.
24Anofanira kushambidza muviri wake nemvura munzvimbo tsvene, ndokufuka nguvo dzake ndokubuda, agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, kuti azviyananisire iye navanhu.
25Zvino ngaapise mafuta echipiriso chezvivi pamusoro pearitari.
26Uya munhu unondoregedza mbudzi yokubvisa anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
27Asi nzombe yechipiriso chezvivi, nembudzi yechipiriso chezvivi zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; zvino vanofanira kupisa matebwe azvo nenyama yazvo namazvizvi azvo nomoto.
28Nomunhu unozvipisa anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
29Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
30nekuti munofanira kuyananisirwa nezuva iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha.
31Rinofanira kuva sabata rokuzorora kwazvo kwamuri, munofanira kuchema pamweya yenyu; murayiro usingaperi.
32mupristi uchazozodzwa nokugadzwa paupristi panzvimbo yababa vake, iye anofanira kuyananisira nokufuka nguvo dzomucheka, idzo nguvo tsvene;
33anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene, uye anofanira kuyananisira tende rokusangana nearitari; uye anofanira kuyananisira vapristi navanhu vose veungano.
34Uyu unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri, kuyananisira vana vaIsiraeri kamwe chete pagore pamusoro pezvivi zvavo. Akaita sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.