1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Ndini Jehovha, Mwari wenyu.
3Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeEgipita mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.
4Itai zvandakatonga ini, chengetai zviga zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.
5Naizvozvo chengetai zviga zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha.
6Ngakurege kuva nomunhu unoswedera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehovha.
7Usafukura baba vako, namai vako; ndimai vako, usavafukura.
8Usafukura mukadzi wababa vako; ndiko kufukura baba vako.
9Usafukura hanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, kana vakaberekerwa mumusha kana vakaberekerwa kumwe.
10Usafukura mwanasikana womwanakomana wako, kana mwanasikana womwanasikana wako; nekuti kufukurwa kwavo ndiko kwako.
11Usafukura mwanasikana womukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
12Usafukura vatete vako; ihama yomumba mababa vako.
13Usafukura mainini vako, nekuti ihama yomumba mamai vako.
14Usafukura babamunini vako, usaswedera kumukadzi wake, ndimainini vako.
15Usafukura mukadzi womwanakomana wako, ndimukadzi womwanakomana wako; usamufukura.
16Usafukura mukadzi womunin'ina wako, ndiko kufukurwa komwanakomana wako.
17Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata.
18Usatora mukadzi pamwechete nomunin'ina wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamwechete nomumwe achiri mupenyu.
19Usaswedera kumukadzi kuti umufukure, achakaipa nokuva kumwedzi kwake.
20Usavata nomukadzi wowokwako panyama, kuti uzvisvibise naye.
21Usapa mumwe wavana vako kuti apinde mumoto kuna Moreki, uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
22Usavata nomurume sezvinovatwa nomukadzi; zvinonyangadza.
23Usavata nechipfuwo chipi nechipi kuti uzvisvibise nacho; nomukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti akwirwe nacho; zvinonyangadza kwazvo.
24Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nekuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu;
25nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo.
26Naizvozvo imwi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
27(Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;)
28kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai.
29Nekuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo.
30Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.