1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, Ivai vatsvene, nekuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
3Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta masabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
4Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu.
5Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira
6Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto.
7Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi.
8Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nekuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
9Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako.
10Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
11Musaba; kana kunyengera, musareva nhema mumwe kune mumwe.
12Musapika nhema nezita rangu, kuti usasvibisa zita raMwari wako; ndini Jehovha.
13Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
14Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha.
15Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.
16Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.
17Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake.
18Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
19Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri.
20Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nekuti wakange asina kusunungurwa.
21Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondobwe rechipiriso chemhosva.
22Zvino mupristi anofanira kumuyananisira negondobwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakangamwirwa zvivi zvake zvaakatadza.
23Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kutora michero yayo sechinhu chisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
24Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo.
25Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
26Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura.
27Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu.
28Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.
29Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa.
30Chengetai masabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
31Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
32Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.
33Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa.
34Mutorwa ugere nemwi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nekuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
35Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero.
36Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeEgipita
37Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha.