Shona

Syriac: NT

Leviticus

20

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
3Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nekuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.
4Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya;
5ipapo ini ndichananaidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakupata naMoreki.
6Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
7Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
8Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai.
9Nekuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake.
10Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurawa.
11Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
12Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
13Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
14Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu.
15Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya.
16Kana mukadz akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurawa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo.
17Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
18Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo.
19Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nekuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo.
20Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana.
21Kana munhu akatora mukadzi womunin'ina wake, chinhu chine tsvina; wafukura munin'ina wake; vachashaiwa vana.
22Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai.
23Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nekuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.
24Asi ndakakuudzai imwi, ndikati, Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi.
25Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.
26Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nekuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.
27Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.