Shona

Syriac: NT

Leviticus

21

1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Taura navapristi, vanakomana vaAroni, uti kwavari, mupristi ngaarege kuzvisvibisa kuna vakafa pakati porudzi rwake;
2asi kuhama yake yomumba, kana mai vake, kana baba vake, kana mwanakomana wake, kana mwanasikana wake, kana munin'ina wake;
3kana hanzvadzi yake ichiri mhandara, hama yomumba, usina kumbova nomurume; ungazvisvibisa kwaari.
4Ngaarege kuzvisvibisa, zvaari mukuru pakati pehama dzake, kuti azvishatise.
5Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
6Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo, varege kumhura zita raMwari wavo; nekuti ndivo vanouya nezvipiriso zvaJehovha zvinopiswa, zvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
7Havafaniri kutora mukadzi chifeve, kana wakachinyiwa; ngavarege kutora mukadzi wakarambwa nomurume wake, nekuti mutsvene kuna Mwari wake.
8Naizvozvo unofanira iwe kumutsaura, nekuti ndiye unouya nezvokudya zvaMwari wako; anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini Jehovha ndinokutsaurai, ndiri mutsvene.
9Kana mwanasikana womupristi upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
10Munhu, ari mupristi mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupristi mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
11Ngaarege kusvika pachitunha, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana mai vake;
12ngaarege kubuda panzvimbo tsvene, kana kushatisa nzvimbo tsvene yaMwari wake, nekuti mafuta okugadza aMwari wake ari pamusoro pake; ndini Jehovha.
13Ngaazvitorere mukadzi ichiri mhandara.
14Ngaarege kutora chirikadzi, kana wakarambwa nomurume wake, kana wakachinyiwa, kana chifeve, asi ngaatore mukadzi ichiri mhandara pakati porudzi rwake.
15Ngaarege kushatisa vana vake pakati porudzi rwake; nekuti ndini Jehovha ndinomutsaura.
16zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
17Taura naAroni, uti, Ani naani wakaremara pakati pavana vako pamarudzi avo ose, ngaarege kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
18Nekuti munhu upi noupi wakaremara ngaarege kuswedera kana riri bofu, kana chirema, kana wakaremara pachiso, kana uno mutezo wakarebesa,
19kana munhu ano rutsoka rwakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
20kana ano musana wakakombama, kana wakawonda kwazvo, kana uno ruvara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara pamberi;
21munhu upi noupi worudzi rwomupristi Aroni wakaremara haafaniri kuswedera kuuya nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha; wakaremara, haafaniri kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
22Ungadya hake zvokudya zvaMwari wake, zvitsvene zvikuru nezvitsvene zvose.
23Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nekuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nekuti ndini Jehovha ndinovatsaura.
24Mozisi akataura saizvozvo naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose.