1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Taura naAroni navanakomana vake, kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, zvavanonditsaurira, kuti varege kushatisa zita rangu dzvene; ndini Jehovha.
3Uti kwavari, Ani naani kuvana venyu kumarudzi enyu ose, unoswedera kuzvinhu zvitsvene, zvakatsaurirwa Jehovha navana vaIsiraeri, asina kunaka, munhu uyo anofanira kubviswa pamberi pangu; ndini Jehovha.
4Ani naani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana ane zvinoyerera ngaarege kudya zvinhu zvitsvene kusvikira anaka. Ani naani unobata chinhu chakasvibiswa nowakafa kana munhu unobudirwa nembeu yake;
5kana ani naani unobata chinhu chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu waangasvibiswa naye, uno kusanaka kupi nokupi.
6Munhu unobata chinhu chipi nechipi chakadai, uchava usina kunaka kusvikira madeko; haafaniri kudya zvinhu zvitsvene asati ashambidza muviri wake nemvura.
7Kana zuva ravira uchava wakanaka; pashure ungadya hake zvinhu zvitsvene; nekuti ndizvo zvokudya zvake.
8Ngaarege kudya chinhu chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.
9Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatisa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
10Mweni ngaarege kudya chinhu chitsvene; mutorwa ugere nomupristi, kana muranda, ngavarege kudya chinhu chitsvene.
11Asi kana mupristi akatenga munhu nomutengo wemari yake, iye ungazvidya; uye vose vanoberekerwa mumba make, vangadya zvokudya zvake.
12Kana mwanasikana womupristi akawanikwa nomweni, ngaarege kudya chipiriso chinotsaurwa chezvinhu zvitsvene.
13Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
14Kana munhu akadya chinhu chitsvene asingazivi, uchafanira kuwedzera cheshanu chacho kwachiri, kuti adzosere kumupristi chinhu chitsvene.
15Ngavarege kushatisa zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha;
16kuti varege kuva nemhosva yezvivi, kana vachidya zvinhu zvavo zvitsvene; nekuti ndini Jehovha ndinovatsaura.
17Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
18Taura naAroni, navanakomana vake, navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ani naani weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati pavaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;
19munofanira kuuya nomukono usina kuremara kana wemombe, kana gondobwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.
20Asi musauya nechinhu chakaremara, nekuti hamungagamuchirwi nokuda kwacho.
21Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana., kuti chigamuchigwe; ngachirege kuva chakaremara.
22Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana chinamaronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paaritari.
23Kana iri nzombe duku kana gwayana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupika, mungauya nazvo kuti muite nhendo yokuda kwenyu, asi hazvingagamuchirwi pakuripira mhiko.
24Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana ,akachekwa, musadaro panyika yenyu.
25Musagamuchira zvakadai paruoko rwomutorwa, kuti mupe Mwari wenyu zvokudya zvakadai, nekuti zvakaipa, zvakaremara, hazvingagamuchirwi nokuda kwenyu.
26Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
27Kana nzombe, kana gwai, kana mbudzi zvichiberekwa, zvinofanira kugara pana mai vazvo mazuva manomwe; kubva pazuva rorusere napashure paro zvingagamuchirwa kuti zviite chipo chinopisirwa Jehovha.
28Kana iri mhou kana nhunzvi, musazviuraya pamusi mumwe navana vazvo.
29Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, munofanira kuchibayira saizvozvo kuti mugamuchirwe.
30Chinofanira kudyiwa nomusi iwoyo; musasiya zvimwe kusvikira mangwana; ndini Jehovha.
31Naizvozvo chengetai mirairo yangu, muiite; ndini Jehovha.
32Usashatisa zita rangu dzvene; ndinoda kutsaurwa pakati pavana vaIsiraeri, ndini Jehovha, ndinokutsaurai;
33ndakakubudisai panyika kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha.