Shona

Syriac: NT

Leviticus

24

1Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Raira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta akanaka amaorivhi, akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
3Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
4Anofanira kugadzira mwenje pachigadziko chakaisvonaka nguva dzose pamberi paJehovha.
5Iwe unofanira kutora upfu hwakatsetseka, ugobika nahwo zvingwa zvine gumi nezviviri; chingwa chimwe nechimwe chinofanira kuitwa nezvegumi zviviri zveefa.
6Unofanira kuzvigadzika patafura yakaisvonaka pamberi paJehovha uchiita nhurikidzwa mbiri, zvitanhatu panhurikidzwa.
7Unofanira kuisawo pamusoro penhurikidzwa imwe neimwe zvinonhuhwira zvakanaka, kuti chive chokurangaridza chechingwa, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
8Musi mumwe nomumwe wesabata unofanira kuzvirongedza pamberi paJehovha nguva dzose; isungano isingaperi inoitwa navana valsiraeri.
9Zvinofanira kuva zvaAroni navanakomana vake; vazvidye panzvimbo tsvene, nekuti chitsvene kwazvo kwaari pakati pezvipiriso zvinopisirwa Jehovha nomutemo usingaperi.
10Zvino mwanakomana womukadzi muIsiraeri, asi baba vake vaiva munhu weEgipita, wakafamba pakati pavana vaIsiraeri, mwanakomana womukadzi muIsiraeri akarwa nomurume muIsiraeri pamisasa.
11Mwanakomana womukadzi muIsiraeri akamhura zita raJehovha, akatuka, vakaenda naye kuna Mozisi. Zita ramai vake rakanga riri Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, worudzi rwaDhani.
12Vakamuisa mutirongo, kuti vaziviswe zvinorehwa naJehovha.
13Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
14Budisa mutuki kunze kwemisasa; zvino vose, vakamunzwa, vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake, ungano yose igomutaka namabwe.
15Zvino iwe utaure navana vaIsiraeri, uti, Ani naani anotuka Mwari wake anofanira kurohwa pamusoro pezvivi zvake.
16Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
17Munhu anorova mumwe, akafa, zvirokwazvo anofanira kuurawa;
18nomunhu anorova chipfuwo, chikafa, anofanira kuchiripa; upenyu pachigaro choupenyu.
19Kana munhu akamanikidza wokwake, sezvaakaita iye, anofanira kuitirwawo;
20kuvhunika kuchatsibwa nokuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakamanikidza mumwe, naiye anofanira kuitirwa saizvozvo.
21Munhu unouraya chipfuwo, anofanira kuripa; anouraya munhu, anofanira kuurawa.
22Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
23Mozisi akataura navana vaIsiraeri, ivo vakabudisa mutuki kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe. Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa naMozisi.