Shona

Syriac: NT

Leviticus

25

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati,
2Taura navana vaIsiraeri uti kwavari: Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha sabata.
3Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo.
4Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
5Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.
6Gohwo resabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe;
7nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo.
8Unofanira kuverengawo masabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amasabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe.
9Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.
10Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake.
11Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro pamizambiringa isina kugurirwa.
12nekuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda.
13Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake.
14Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana.
15Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
16Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nekuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
17Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
18Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.
19Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka.
20Zvino kana mukati, Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu ;
21ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu.
22Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu.
23Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nekuti nyika ndeyangu; nekuti muri vaeni navatorwa kwandiri.
24Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe.
25Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yake yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako.
26Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura;
27unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake;
28asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake.
29Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose.
30Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
31Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri.
32Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi.
33Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nekuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri.
34Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nekuti ndeyavo nokusingaperi.
35Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa.
36Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe.
37Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa.
38Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu.
39Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa;
40ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri.
41Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake.
42nekuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeEgipita; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa.
43Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako.
44Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.
45Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu.
46Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha.
47Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo,
48kana atengeswa, ungadzikunurwa; munin'ina kana mukoma wake ungamudzikunura;
49kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.
50Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
51Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo.
52Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake.
53Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako.
54Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye.
55nekuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.