1Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
2Munofanira kuchengeta masabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
3Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita;
4ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo.
5Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudzvara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka.
6Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu,
7muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
8Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
9Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi.
10Muchadya zviyo zvakachengetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva.
11Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi.
12Uye ndichafamba pakati penyu, ndive Mwari wenyu, nemwi muchava vanhu vangu.
13Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
14Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose;
15kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu,
16neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadzvara mbeu yenyu pasina, nekuti vavengi venyu vachazvidya.
17Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyange kusina munhu unokudzingai.
18Zvino kunyange zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
19Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira;
20simba renyu richaperera pasina, nekuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo.
21Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe matambudziko pamusoro pezvivi zvenyu.
22Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu, zvichakupedzerai vana venyu, nokuparadza zvipfuwo zvenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzichashaiwa vanhu.
23Zvino kana musingadi kudzorwa neni nezvinhu izvi, asi muchindiramba,
24neniwo ndichakurambai; neniwo, ini ndimene, ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
25Ndichauyisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva sungano yangu; muchaunganidzwa mumaguta enyu, ini ndichatuma matenda pakati penyu; muchaiswa mumaoko avavengi venyu.
26Kana ndichivhuna mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi vane gumi vachabika chingwa muchoto chimwe, vachikudzoserai chingwa chenyu chayerwa; muchadya, asi hamungaguti.
27Zvino kana musingadi naizvozvo zvose kunditeerera, asi muchindiramba,
28ipapo neniwo ndichakurambai nokutsamwa kukuru; ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
29Muchadya nyama yavanakomana venyu, nenyama yavanasikana venyu muchaidya.
30Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuva, nokukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; mweya wangu uchakusemai.
31Ndichaita maguta enyu matongo, nenzvimbo dzenyu tsene ndichadziparadza handinganhuwidzi munhuwi wezvinozipa zvenyu.
32Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo.
33Ndichakurashanyai pakati pavahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo.
34Zvino nyika ichafarira masabata ayo, panguva yokuparadzwa kwayo, imwi muri munyika yavavengi venyu; panguva iyo nyika ichazorora, ichifarira masabata ayo.
35Panguva yose yokuparadzwa kwayo ichazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamasabata enyu, panguva yamakagaramo.
36Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.
37Vachawirana savanhu vanowa pamberi pomunondo, kusina munhu anovadzinga; hamungavi nesimba rokumira pamberi pavavengi venyu.
38Muchandofira pakati pavahedheni, nenyika yavavengi venyu ichakudyai.
39Vamwe venyu vakasara vachawonda muzvivi zvavo panyika yavavengi vavo; vachawonda samadzibaba avo akawonda muzvivi zvavo.
40Zvino vachazvireurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, nokudarika kwavakadarika nako kwandiri, uye zvavakandiramba,
41neniwo ndakavaramba, ndikavaisa kunyika yavavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, vakatenda kurohwa pamusoro pezvivi zvavo;
42ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakove; nesungano yangu naIsaka, nesungano yangu naAbhurahamu, ndichairangarira; nyika ndichairangarirawo.
43Nyika ichafanira kusiiwa navo, kuti ifarire masabata ayo ichaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nekuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.
44Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nekuti ndini Jehovha Mwari wavo;
45asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeEgipita pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.
46Ndiyo mitemo nezvakatongwa nemirairo yakaitwa naJehovha pakati pake navana vaIsiraeri pagomo reSinai nomuromo waMozisi.