1Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa.
2Vanhu vakachema kuna Mozisi, Mozisi akanyengetera kuna Jehovha, moto ukadzimwa.
3Zita renzvimbo iyo rikanzi Tabhera, nekuti moto waJehovha wakapfutapo pakati pavo.
4Zvino vatorwa vazhinji, vakanga vari pakati pavo, vakatanga kufa nenhomba yenyama; navana vaIsiraeri vakachemawo, vakati, Ndianiko achatipa nyama kuti tidye?
5Tinorangarira hove dzataidya Egipita, tisingatengi, namakeke, namamwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki.
6Asi zvino mweya yedu yaoma, hapana zvokudya chose, hapana chinhu chatinoona, asi mana*iyi chete.
7mana*yakanga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakanga yakaita sebhedharo.
8Vanhu vaipararira kundoinonga, vakaikuya pamakuyo, kana kuitswa mumaturi, nokuibika muhari, nokuita zvingwa zviduku nayo; kana yodyiwa yakaita sezvingwa zvakabikwa namafuta.
9Kana dova richiwira pamisasa usiku, mana*yakawawo pamwechete naro.
10Zvino Mozisi akanzwa vanhu vachichema padzimba dzavo dzose, mumwe nomumwe pamukova wetende rake; Jehovha akatsamwa kwazvo; naiye Mozisi akanga asingafari.
11Mozisi akati kuna Jehovha, Makaitireiko muranda wenyu zvakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, zvamakanditakudza mutoro wavanhu ava vose?
12Ko ndini ndakagamuchira vanhu ava vose here? Ko ndini ndakavabereka here, zvamunoti kwandiri, Uvatakure pachipfuva chako, somureri anotakura mwana anomwa, uvaise kunyika yamakapikira madzibaba avo?
13Ndichawanepiko nyama yandingapa vanhu ava vose? Nekuti vanondichemera, vachiti, Tipe nyama, tidye.
14Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nekuti zvinondiremera kwazvo.
15Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi, ndirege hangu kuona urombo hwangu.
16Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unganidza kwandiri varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsiraeri, vaunoziva kuti vakuru vavanhu, navaritariri vavo, uuye navo patende rokusangana, kuti vamirepo newe.
17Ipapo ndichaburuka, nditaure newe ipapo; zvino ndichatora pamweya uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwechete newe, kuti urege kuutakura iwe woga.
18Zvino iwe uti kuvanhu, Zvinatsirei mangwana, nekuti muchadya nyama; nekuti makachema munzeve dzaJehovha, muchiti, Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nekuti takanga tichifara hedu Egipita. Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye.
19Hamungadyi zuva rimwe, kana mazuva maviri, kana mazuva mashanu, kana mazuva ane gumi, kana mazuva ana makumi maviri;
20asi mwedzi wose, kusvikira ichibuda kumhino dzenyu, ikakusemesai; nekuti makarasha Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake, muchiti, Takabudireiko Egipita?
21Zvino Mozisi akati, Vanhu ava, vandiri pakati pavo, vanofamba namakumbo, vanosvika zviuru zvina mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, vaidye mwedzi wose!
22Ko vachabayirwa makwai nemombe, kuti varingane here? Kana vangaunganidzirwa hove dzose dziri mugungwa, kuti varingane here?
23Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Ko ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki
24ipapo Mozisi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza tende.
25Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakange uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo.
26Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nekuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kutende; vakaporofita pamisasa.
27Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mozisi, akati, Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.
28Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, Ishe wangu, Mozisi, vadzivisei.
29Mozisi akati kwaari, Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!
30Ipapo Mozisi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri.
31Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika.
32Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa.
33Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo.
34Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Kibhuroti-hatava, nekuti ndipo pavakaviga vanhu vakanga vafa nenhomba yenyama.
35Vanhu vakasimuka vakabva Kibhuroti-hatava vakasvika Hazeroti; vakagara paHazeroti.