Shona

Syriac: NT

Numbers

12

1Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda komukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nekuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
2Vakati, Ko Jehovha akataura naMozisi iye oga here? Ko haana kutaura nesuwo here? Jehovha akazvinzwa.
3Zvino munhu uyu Mozisi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.
4Jehovha akataura pakarepo naMozisi naAroni naMiriami, akati, Budai imwi vatatu kutende rokusangana. Ivo vatatu vakabuda.
5Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.
6Zvino akati, Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.
7Muranda wangu Mozisi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.
8Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mozisi?
9Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.
10Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzI
11Zvino Aroni akati kuna Mozisi, Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu,kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.
12Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake.
13Zvino Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Haiwa Mwari, domuporesai henyu.
14Jehovha akati kuna Mozisi, Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure.
15Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.
16Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.