Shona

Syriac: NT

Numbers

13

1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKanani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.
3Mozisi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri.
4Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri.
5Vokurudzi rwaSimioni, Shafati, mwanakomana waHori.
6Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.
7Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa.
8Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni.
9Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu.
10Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi.
11Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.
12Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari.
13Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri.
14Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana waVhofusi.
15Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki.
16Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundoshora nyika. Mozisi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.
17Mozisi akavatuma kundoshora nyika yeKanani, akati kwavari, Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;
18mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji;
19nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare;
20nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo. Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
21Naizvozvo vakakwira vakandoshora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati.
22Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paEgipita namakore manomwe.)
23Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
24Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana valsiraeri.
25Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakushora nyika.
26Vakasvika kuna Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
27Vakamuudza, vakati, Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
28Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
29VaAmareki vagere munyika nechezasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKanani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJoridhani.
30Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nekuti tinogona kwazvo kuikunda.
31Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nekuti vanotikurira nesimba.
32Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
33Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.