Shona

Syriac: NT

Numbers

14

1Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo.
2Vana vaIsiraeri vose vakapo potera Mozisi naAroni, ungano yose ikati kwavari, Haiwa, dai takafira hedu munyika yeEgipita! Dai takafira hedu murenje rino!
3Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Egipita here?
4Vakataurirana, vakati, Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Egipita.
5Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri.
6NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandoshora nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguvo dzavo,
7vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, Nyika yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.
8Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi.
9Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nekuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.
10Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose.
11Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
12Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.
13Mozisi akati kuna Jehovha, VaEgipita vachazvinzwa, nekuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;
14vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nekuti imwi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemwi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.
15Zvino kana mukauraya vanhu ava vose-vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti,
16Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.
17Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti,
18Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokangamwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.
19Ndinokumbira kuti mukangamwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru bwenyasha dzenyu, uye sezvamakakangamwira vanhu ava kubva Egipita kusvikira zvino.
20Ipapo Jehovha akati, Ndakangamwira sezvawakumbira.
21Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha,
22varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muEgipita nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri inzwi rangu,
23zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona,
24asi muranda wangu Karebhu, nekuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.
25Zvino vaAmareki navaKanani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.
26Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati,
27Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira rinhiko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako.
28Uti kwavari, zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.
29Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imwi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira,
30zvirokwazvo, imwi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.
31Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imwi.
32Asi kana murimwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino.
33Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.
34Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.
35Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.
36Zvino varume vakanga vatumwa naMozisi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,
37varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha.
38Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika.
39Zvino Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo;
40vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakavimbiswa naJehovha, nekuti tatadza.
41Mozisi akati, Munodarikireiko murayiro waJehovha, nekuti muchaona nhamo.
42Musakwira, nekuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu.
43Nekuti vaAmareki navaKanani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nekuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.
44Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mozisiwo.
45Ipapo vaAmareki navaKanani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.