1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
2Taura navana vaIsraeri, uti kwavari, Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai;
3kana muchida kugadzirira Jehovha chipiriso pamoto, chipiriso chinopiswa, kana chibayiro, chokupika nacho, kana chokungopa nokuda kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehovha chinonhuhwira zvakanaka, chemombe kana chamakwai;
4zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta;
5unofanira kugadzirawo waini yechipiriso chinodururwa, chechina chehini, pamwechete nechipiriso chinopiswa, kana nechibayiro, pagwayana rimwe nerimwe.
6Kana riri gondobwe, unofanira kurigadzirira chipiriso choupfu chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechetatu chehini yamafuta;
7unofanira kupawo chetatu chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
8Kana uchigadzira nzombe duku kuti chive chipiriso chinopiswa, kana chibayiro chokupika nacho, kana kuti zvive zvipiriso zvokuyananisa nazvo kuna Jehovha;
9pamwechete nenzombe duku ngaauye nechipiriso choupfu chezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nehafu yehini yamafuta.
10Unofanira kupawo hafu yehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chipiriso chinoitwa pamoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
11Ngazviitwe saizvozvo panzombe imwe neimwe, kana gondobwe rimwe nerimwe, kana gwayana rimwe nerimwe, kana mbudzana imwe neimwe.
12Munofanira kuitira chimwe nechimwe saizvozvo, zvienzane nezvose zvamunogadzira.
13Vose vanoberekerwa munyika yenyu vanofanira kuita izvozvo nenzira iyi, kana vachiuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
14Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imwi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.
15Paungano yenyu panofanira kuva nomutemo mumwe wenyu nowomutorwa agere nemi, uve murayiro usingaperi, kusvikira kumarudzi enyu ose; sezvamakaita imwi, ndizvo zvinofanira kuita mutorwa pamberi paJehovha.
16Munofanira kuva nomurayiro mumwe netsika imwe, imwi nomutorwa agere nemi.
17Jehovha akataura naMozisi, akati,
18Taura navana vaIsiraeri uti kwavari kana muchisvika kunyika kwandinokuisai,
19kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa.
20Pazvitsva zvoupfu bwenyu munofanira kuuya nechingwa chive chipiriso chinotsaurwa; sezvamunoita nechipiriso chinotsaurwa cheburiro, munofanira kuchitsaura saizvozvo.
21Munofanira kupa Jehovha pazvitsva zvoupfu bwenyu chipiriso chinotsaurwa kusvikira kumarudzi enyu ose.
22Kana muchitadza, musingachengeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehovha kuna Mozisi,
23zvose zvamakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, kubva pazuva rakatanga kuraira Jehovha, kusvikira kumarudzi enyu ose,
24zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.
25mupristi anofanira kuyananisira ungano yose yavana vaIsiraeri, vakangamwirwe; nekuti kwaiva kutadza, vakazouya nechipo chavo pamberi paJehovha, chiri chipiriso chinoitirwa Jehovha pamoto, nechipiriso chezvivi pamusoro pokutadza kwavo.
26Ipapo ungano yose yavana vaIsiraeri ichakangamwirwa, nomutorwa agere pakati pavo; nekuti vanhu vose vakanga vazviita havo nokusaziva.
27Kana munhu mumwe akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nesheche yembudzi yegore rimwe, chive chipiriso chezvivi.
28Zvino mupristi anofanira kuyananisira munhu ,akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, . pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akangamwirwe.
29Munofanira kuva nomurayiro mumwechete pamusoro pomunhu akaita chinhu nokusaziva, kana ari munhu akaberekerwa panyika pakati pavana vaIsiraeri, kana ari mutorwa agere pakati pavo.
30Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
31Nekuti akazvidza shoko raJehovha, akaputsa murayiro wake; munhu uyu anofanira kubviswa chose; mhosva yokutadza kwake iri pamusoro pake. Munhu akadarika murayiro wesabata anourawa
32Zvino vana vaIsiraeri vachiri murenje, vakaona munhu achiunganidza tsotso nomusi wesabata.
33Avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mozisi naAroni, nokuungano yose.
34Vakamuisa mutirongo, nekuti kwakanga kusina kurehwa zvaaifanira kuitirwa.
35Jehovha akati kuna Mozisi, Munhu uyu, zvirokwazvo, anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwemisasa.
36Ipapo ungano yose yakamuisa kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe, akafa; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
37Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
38Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguvo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema.
39Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda komoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu;
40kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu.
41Ndini Jehovha wenyu, akakubudisai munyika yeEgipita, kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.