1Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume,
2vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadamwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
3vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,Zvaringana, nekuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?
4Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake;
5akataura naKora neboka rake rose, akati, Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivana ani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari.
6Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuhwira, iwe Kora, neveboka rako rose;
7mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi.
8Mozisi akatiwo kuna Kora, Teererai, imwi vanakomana vaRevhi:
9Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira,
10akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upristiwo here?
11Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?
12Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, Hatidi kukwirako.
13Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here?
14Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako.
15Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera dhongi rimwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa.
16Ipapo Mozisi akati kuna Kora, Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni;
17mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuhwira, muise zvinonhuhwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuhwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake.
18Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni.
19Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.
20Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
21Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.
22Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?
23Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati,
24Taura neungano, uti, Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.
25Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera.
26Akataura neungano, akati, Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.
27Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku.
28Zvino Mozisi akati, Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nekuti handina kuaita nokuda kwangu.
29Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma.
30Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira mugomba vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.
31Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka,
32nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.
33Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira mugomba vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.
34Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nekuti vakati, Nyika irege kutimedzawo.
35Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuhwira.
36Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
37Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, kuti anonge hadyana dzezvinonhuhwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nekuti hadyana itsvene;
38idzo hadyana dzezvinonhuhwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nekuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.
39Zvino mupristi Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuhwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo;
40kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuhwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.
41Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, imwi makauraya vanhu vaJehovha.
42Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
43Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana,
44Jehovha akataura naMozisi, akati,
45Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo. Ivo vakawira pasi nezviso zvavo.
46Mozisi akati kuna Aroni, Tora hadyana yako yezvinonhuhwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nekuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.
47Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuhwira pamusoro payo, akayananisira vanhu.
48Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma.
49Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.
50Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.