1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Taura navana vaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake.
3Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nekuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo.
4Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi.
5Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana vaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako.
6Zvino Mozisi akataura navana vaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo.
7Mozisi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
8Fume mangwana Mozisi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.
9Ipapo Mozisi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu vaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.
10Jehovha akati kuna Mozisi, Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa.
11Mozisi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita.
12Vana vaIsiraeri vakataura naMozisi, vakati, Tarira, tofa, topera, topera tose.
13Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?