1Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupristi bwenyu.
2Nehama dzako dzorudzi rwaRevhi, dzorudzi rwababa vako, udziswededze pamwechete newe, dzive newe, dzikubatire; asi iwe navanakomana vako pamwechete newe, munofanira kuva pamberi petende rechipupuriro.
3Vanofanira kukuchengeta iwe nokuchengeta Tende rose; asi havafaniri kuswedera kunhumbi dzeimba tsvene nearitari, kuti varege kufa, kana ivo kana imwi.
4Vanofanira kuva newe, nokuchengeta tende rokusangana, nokuita mabasa ose etende; asina kufanira haafaniri kuswedera kwamuri.
5Munofanira kuchengeta imba tsvene, nokuchengeta aritari, kuti kutsamwa kurege kuuya pamusoro pavana vaIsiraeri.
6Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.
7Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupristi bwenyu pazvinhu zvose zvearitari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upristi, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa.
8Jehovha akataurawo naAroni, akati, Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.
9Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kuva zvako pazvinhu zvitsvene zvikuru, zvakasara kana zvimwe zvapiswa, zvinoti: Zvipo zvavo zvose, izvo zvipiriso zvavo zvose zvoupfu, nezvipiriso zvavo zvose zvezvivi, nezvipiriso zvavo zvose zvemhosva, zvavanondipa, izvo zvinofanira kuva zvitsvene zvikuru kwauri nokuvanakomana vako.
10Munofanira kuzvidya panzvimbo tsvene-tsvene; varume vose vanofanira kuzvidya; zvinofanira kuva zvitsvene kwamuri.
11Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.
12Ndakakupa mafuta ose akaisvonaka, newaini yakaisvonaka, nezviyo zvose zvakaisvonaka, izvo zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha.
13Zvibereko zvitsva zvose nezvose zviri munyika yavo, zvavanouya nazvo kuna Jehovha, zvinofanira kuva zvako; mumwe nomumwe akanaka mumba mako angazvidya.
14Zvose zvakayeriswa pakati palsiraeri zvinofanira kuva zvako.
15Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikunura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikunurawo.
16Zvose zvinofanira kudzikunurwa pazviri, zvomwedzi mumwe nezvinopfuura, unofanira kuzvidzikunura sezvaunotara iwe, nemari inosvika pamashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene (rakaenzana namagera ana makumi maviri.)
17Asi usadzikunura mwana wemhongora yemombe, kana yegwai, kana yembudzi, zvitsvene; unofanira kusasa ropa razvo pamusoro pearitari, nokupisa mafuta azvo, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
18Asi nyama yazvo inofanira kuva yako, zvinofanira kuva zvako sechityu chinozunguzirwa nebandauko rorudyi.
19Zvipiriso zvose zvinotsaurwa zvezvinhu zvinopiwa Jehovha navana vaIsiraeri, ndakakupa izvo, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvako nokusingaperi; isungano yomunyu nokusingaperi pamberi paJehovha, kwauri navazukuru vako pamwechete newe.
20Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, haungavi nomugove pakati pavo; ini ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pavana valsiraeri.
21Tarira, vana vaRevhi ndakavapa zvegumi zvezvose zvavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, uve mubayiro webasa ravanobata, iro basa rapatende rokusangana.
22Kubva zvino vana vaIsiraeri ngavarege kuswedera kutende rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo, vakafa.
23Asi vaRevhi vanofanira kubata basa rapatende rokusangana, ivo vanofanira kutakura zvakaipa zvavo; unofanira kuva mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.
24nekuti zvegumi zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha, zvive zvipiriso zvinotsaurwa, ndizvo zvandakapa vaRevhi, kuti ive nhaka yavo; naizvozvo ndakati kwavari, havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.
25Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
26Taura navaRevhi, uti kwavari, Kana muchitora kuvana vaIsiraeri zvegumi zvavo zvandakakupai, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kupa Jehovha chegumi chezvegumi izvo, chive chipiriso chinotsaurwa.
27Chipiriso chenyu chinotsaurwa chichaverengwa kwamuri sezviyo zviri paburiro, uye sewaini izere muchisviniro chewaini.
28Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupristi chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.
29Pazvose zvamunopiwa, munofanira kupa Jehovha zvipiriso zvenyu zvose zvinotsaurwa, muchitsaura zvakaisvonaka kwazviri, mugove wakatsaurwa pakati pazvo.
30Naizvozvo uti kwavari, Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.
31Munofanira kuzvidya panzvimbo dzose, imwi nemhuri dzenyu; nekuti ndiwo mubayiro wenyu webasa ramunobata patende rokusangana.
32Hamungazovi nezvivi nokuda kwazvo, kana mambotsaura zvakaisvonaka kwazviri; hamufaniri kuzvidza zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, kuti murege kufa.