1Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
2Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.
3Zvino munofanira kuripa Ereazari mupristi, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake.
4Ipapo Ereazari mupristi anofanira kutora ropa raro nomumwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana;
5zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; debwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa.
6Zvino mupristi anofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru.
7Ipapo mupristi anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura ndokuzopinda mumisasa mupristi agova asina kunaka kusvikira madeko.
8Nomunhu anoripisa anofanira kusuka nguvo dzake nemvura, nokushambidza muviri wake nemvura, agova asina kunaka kusvikira madeko.
9Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
10Zvino iye akaunganidza madota etsiru, anofanira kusuka nguvo dzake, agova asina kunaka kusvikira madeko; unofanira kuva mutemo usingaperi kuvana vaIsiraeri nokuvatorwa vagere pakati pavo.
11Munhu anobata chitunha chomunhu upi noupi, anofanira kuva asina kunaka mazuva manomwe.
12Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe.
13Ani naani anobata akafa, chiri chitunha chomunhu upi noupi akafa, akasazvinatsa, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavaIsiraeri; mvura inonatsa zvaisina kusaswa pamusoro pake, anofanira kuva asina kunaka; tsvina yake ichiri kwaari.
14Ndiwo murayiro kana munhu akafa mutende: Mumwe nomumwe anopinda mutende, nomumwe nomumwe ari mutende, achava asina kunaka mazuva manomwe.
15Nemidziyo yose yakashama, isina chifunhiro chakasungirwa, ichava isina kunaka.
16Ani naani anobata munhu akaurawa kusango nomunondo, kana chitunha, kana pfupa romunhu, kana hwiro, achava asina kunaka mazuva manomwe.
17Zvino munhu asina kunaka anofanira kundotorerwa madota echipiriso chezvivi chakapiswa, mvura inoyerera igodirwa pamusoro pawo mumudziyo,
18zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro;
19zvino munhu akanaka anofanira kusasa munhu usina kunaka nezuva retatu nerechinomwe; nezuva rechinomwe anofanira kumunatsa; zvino iye anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, agova akanaka madeko.
20Asi kana, munhu akasvibiswa akasazvinatsa, munhu uyo anofanira kubviswa pakati peungano, nekuti asvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura inonatsa haina kusaswa pamusoro pake; haana kunaka.
21Unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari. Munhu anosasa mvura inonatsa, anofanira kusuka nguvo dzake; naiye anobata mvura inonatsa, achava asina kunaka kusvikira madeko.
22Nezvose zvinobatwa nomunhu usina kunaka,zvichava zvisina kunaka nomunhu unozvibata uchava usina kunaka kusvika madeko.