Shona

Syriac: NT

Numbers

20

1Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo.
2Ipapo pakanga pasina mvura yokumwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mozisi naAroni.
3Vanhu vakarwa naMozisi, vakataura, vachiti, Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!
4Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?
5Makatibudisireiko muEgipita, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokumwa hapana.
6Ipapo Mozisi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.
7Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
8Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, umwise ungano nezvipfuwo zvavo.
9Ipapo Mozisi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye.
10Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, Zvino, chinzwai, imwi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?
11Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji-zhinji, ungano ikamwa, nezvipfuwo zvavo.
12Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.
13Ndiyo mvura yeMeribha, nekuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.
14Zvino Mozisi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, Zvanzi nomunin'ina wako Isiraeri, Unoziva nhamo dzose dzakatiwira,
15kuti madzibaba edu akaburukira Egipita, tikagara Egipita nguva huru, vaEgipita vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu;
16zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa manzwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paEgipita, zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako;
17dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatingamwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.
18Ipapo Edhomu akati kwaari, Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.
19Vana vaIsiraeri vakati kwaari, Tichakwira nenzira huru; kana tikamwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere koga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.
20Iye akati, Haungapfuuri. Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba.
21Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari.
22Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori.
23Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati,
24Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nekuti haangapindi munyika yandakapa vana valsiraeri, nekuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha.
25Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori;
26zvino ubvise nguvo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.
27Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose.
28Zvino Mozisi wakabvisa nguvo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro pegomo; Mozisi naEreazari vakaburuka havo pagomo.
29Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.