Shona

Syriac: NT

Numbers

24

1Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un'anga, asi akaringira kurenje,
2Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake,
3akataura nomufananidzo wake, akati, Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume weziso rakasvinura,
4Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye unoona zvinoratidzwa naWamasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake;
5Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakove, Nedzimba dzako, iwe Isiraeri!
6Vakatasanurwa semipata, Seminda kunhivi dzorwizi, Samagavakava akasimwa naJehovha, Semichindwe pedo nemvura.
7Mvura inobva pazvirongo zvake, Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji. Mambo wake achakurira Agagi, Ushe hwake huchakuriswa.
8Mwari akamubudisa Egipita, Ane simba rakafanana nerenyati; Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake; Achavhuna-vhuna mafupa avo, Nokuvabvoora nemiseve yake.
9Anokotama, anovata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.
10Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.
11Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nekuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.
12Bharamu akati kuna Bharaki, Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti,
13Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?
14Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuraire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.
15Akataura nomufananidzo wake, akati,Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake;
16Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye anoziva zivo yeWekumusoro-soro, Iye anoona zvinoratidzwa noWamasimbaose,Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake.
17Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakove, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.
18Edhomu ichava nhaka yake, NeSeiriwo ichava nhaka yake, ndivo vavengi vake; Asi Isiraeri achakunda.
19Mumwe, achabva kuna Jakove, achava noushe, achaparadza vakasara muguta.
20Zvino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati, Amareki ndiye wokutanga wavahedheni, Asi pakupedzisira achaparadzwa.
21Zvino akatarira vaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati, Ugaro hwako hwakasimba,
22Kunyange zvakadaro Kaini achaparadzwa,
23Akataura nomufananidzo wake akati,Haiwa! Ndianiko achararama, kana Mwari achiita saizvozvo?
24Asi zvikepe zvichabva kurutivi rweKitimi, Zvicharwadza Ashuri, nokurwadza Ebheri, Naiyewo achaparadzwa.
25Ipapo Bharamu akasimuka, akadzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo.