1Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita
2nekuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo.
3Valsiraeri vakazvisunganidza naBhaari-peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo.
4Ipapo Iehovha akati kuna Mozisi, Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.
5Mozisi akati kuvatongi vaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari-peori.
6Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mozisi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana.
7Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
8akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.
9Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
10Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
11Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nekuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.
12Naizvozvo uti, Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare,
13ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.
14Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimioni.
15Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
16Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
17Vambana navaMidhiani, uvaparadze;
18nekuti ivo vakavambana nemwi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.