Shona

Syriac: NT

Numbers

27

1Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi,
2vakamira pamberi paMozisi napamberi paEreazari mupristi, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,
3Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.
4Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nekuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.
5Mozisi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.
6Jehovha akataura naMozisi, akati,
7Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.
8Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.
9Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanin'ina vake nhaka yake.
10Kana asina vakuru kana vanin'ina, munofanira kupa vakuru kana vanin'ina vababa vake nhaka yake.
11Kana baba vake vasina vakuru kana vanin'ina, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake. Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
12Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.
13Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;
14nekuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)
15Zvino Mozisi akataura naJehovha, akati,
16Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,
17achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.
18Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.
19Umuise pamberi paEreazari mupristi, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.
20Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana valsiraeri imuteerere.
21Iye anofanira kumira pamberi pomupristi Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.
22Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupristi Ereazari, napamberi peungano yose;
23akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMozisi.