Shona

Syriac: NT

Numbers

28

1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kwandiri.
3Unofanira kuti kwavari, Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondobwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
4Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana;
5nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa.
6Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuhwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.
7Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata.
8Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvipiriso zvesabata nezvokuvamba komwedzi
9Asi nomusi wesabata munofanira kuuya namakwayana amakondobwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa.
10Ndicho chipiriso chinopiswa chesabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
11Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondobwe rimwe, namakwayana manomwe amakondobwe egore rimwe, asina kuremara;
12nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondobwe rimwe nerimwe;
13nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.
14Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondobwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.
15Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
16Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha.
17Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe.
18Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musabata mabasa avaranda pazuva iro;
19asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri;
20nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondobwe rimwe.
21Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe;
22nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho.
23Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose.
24Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.
25Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro.
26Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda.
27Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe egore rimwe;
28nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondobwe rimwe,
29nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;
30nenhongo imwe yembudzi, zvokuyananisira nazvo.
31Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.