1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Tsiva vana vaIsiraeri kuvaMidhiani; shure kwaizvozvo iwe uchasanganiswa navanhu vako.
3Mozisi akataura navanhu, akati, Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
4Munofanira kutumira kuhondo vane chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi avaIsiraeri.
5Naizvozvo vakaverenga kuzviuru zvavaIsiraeri chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, vakasvika zviuru gumi nezviviri vakazvigadzirira kundorwa.
6Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo.
7Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
8Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
9Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nefuma yavo yose , vakazvitapa.
10Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto.
11Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo.
12Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mozisi, nokuna Ereazari mupristi, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJoridhani paJeriko.
13Zvino Mozisi naEreazari mupristi, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa.
14Mozisi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa;
15Mozisi akati kwavari, Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here?
16Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
17Naizvozvo zvino urayai vakomana vose vari pakati pavana, muurayewo mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume;
18asi muzvichengetere vanasikana vose, vasina kumbovata nomurume.
19Asi imwi, endai mundogara mazuva manomwe kunze kwemisasa; ani naani akauraya munhu, ani naani akabata munhu akaurawa, muzvinatse pazuva retatu nerechinomwe, imwi navatapwa venyu.
20Munofanirawo kusuka nguvo dzenyu dzose, nezvose zvakaitwa namatebwe, nezvose zvakarukwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvakaitwa namatanda.
21Ereazari mupristi akati kuvarwi vose vakanga vandorwa, Uyu ndiwo murayiro wakarairwa Mozisi naJehovha:
22Ndarama, nesirivha, nendarira, nedare, netini, nomutobvu,
23zvose zvisingaparadzwi nomoto, munofanira kuzvipinza mumoto kuti zvinatswe; kunyange zvakadaro zvinofanira kucheneswa nemvura yokunatsa; asi zvose zvingaparadzwa nomoto, munofanira kuzvipinza mumvura.
24Munofanira kusuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, kuti muve vakanaka, mugopinda mumisasa pashure.
25Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
26Verenga vakatapwa zvamakatapa zvavanhu nezvezvipfuwo, iwe naEreazari mupristi, navakuru vedzimba dzamadzibaba eungano;
27mukamure zvakatapwa napakati, ive migove miviri; mugovere pakati pavarume vanoziva kurwa, vakanga vandorwa, neungano yose;
28zvino uraire kuti mugove wakatarwa utsaurirwe Jehovha navarume vehondo vakanga vandorwa: Chipenyu chimwe kumazana mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumadhongi, nekumakwai;
29uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Ereazari mupristi, chive chipiriso chinotsaurirwa Jehovha.
30Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumadhongi, nekumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.
31Mozisi naEreazari vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
32Zvino zvakatapwa zvakanga zvasara, varume vehondo vatora mugove wavo, zvaiva makwai ane zviuru zvina mazana matanhatu nezviuru zvina makumi manomwe nezviuru zvishanu,
33nemombe dzine zviuru zvina makumi manomwe nezviviri,
34nemadhongi ane zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe;
35navakadzi vasina kumbovata navarume vane zviuru zvina makumi matatu nezviviri.
36Hafu, yakagoverwa vakanga vaenda kundorwa, aiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu, nezviuru zvina makumi matatu, nezviuru zvinomwe, namazana mashanu;
37mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha, waiva makwai ana mazana matanhatu namakumi manomwe namashanu.
38Mombe dzaiva zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mombe dzina makumi manomwe nembiri.
39Madhongi aiva zvuru makumi matatu nemazana mashanu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva madhongi makumi matanhatu neimwe.
40Vanhu vaiva zviuru zvine gumi nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kuna ivo, waiva vanhu vana makumi matatu navaviri.
41Mozisi akapa Ereazari mupristi mugove wakatarwa, chakanga chiri chipiriso chakatsaurirwa Jehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
42Pahafu yavana vaIsiraeri, yakanga yakamurwa naMozisi kuvanhu vakanga vandorwa,
43(zvino hafu yeungano yaiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu namakumi matatu, nezviuru zvinomwe namazana mashanu,
44nemombe dzine zviuru zvina makumi matatu nezviuru zvitatu,
45nemadhongi zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu,
46navanhu vane zviuru zvine gumi nezvitanhatu).
47Pahafu yavana vaIsiraeri Mozisi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
48Zvino vatariri vaiva pamusoro pezviuru zvehondo, navakuru vezviuru, navakuru vamazana vakaswedera kuna Mozisi,
49vakati kuna Mozisi, Varanda venyu vakaverenga varume vehondo vanorairwa nesu; hakuna mumwe wedu usipo.
50Zvino tauya nechipo chaJehovha, zvakawanikwa nomumwe nomumwe: Zvishongo zvendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaoko, nezvindori zvemimwe, nezvindori zvomunzeve, nezvomumutsipa, kuyananisira mweya yedu pamberi paJehovha.
51Mozisi naEreazari mupristi vakagamuchira kwavari ndarama, zviri zvishongo zvamarudzi ose zvakaitwa nayo.
52Ndarama yose yechipiriso chakatsaurwa, chavakapa Jehovha, chavakuru vezviuru nechavakuru vamazana, aiva mashekeri ane zviuru zvine gumi nezvitanhatu namazana manomwe namakumi mashanu.
53(Nokuti varume vehondo vakanga vatora mugove wavo wezvakatapwa, mumwe nomumwe.)
54Mozisi naEreazari mupristi vakagamuchira ndarama kuvakuru vezviuru navamazana, vakaiisa mutende rokusangana, kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha.