1Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo.
2Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMozisi naEreazari mupristi namachinda eungano, vakati,
3Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni.
4Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo.
5Vakati, Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Joridhani.
6Mozisi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imwi mukagara pano here?
7Munoodzereiko moyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha?
8Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi-bharinea, kundoshora nyika.
9nekuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza moyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
10Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati,
11Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Egipita, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakove, nekuti havana kunditevera nomoyo wose;
12asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nekuti ivo vakatevera Jehovha nomoyo wose.
13Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.
14Zvino tarirai, imwi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.
15nekuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imwi muchaparadza vanhu ava vose.
16Vakaswedera kwaari, vakati, Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano;
17asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.
18Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo.
19Nekuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJoridhani nemberi; nekuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJoridhani kurutivi rwamabvazuva.
20Zvino Mozisi akati kwavari, Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa,
21mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Joridhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake,
22nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha.
23Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.
24Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura.
25Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMozisi, vakati, Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu.
26Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGiriyadhi;
27asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.
28Naizvozvo Mozisi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri;
29Mozisi akati kwavari, Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGiriyadhi, ive yavo.
30Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKanani.
31Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita.
32Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKanani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJoridhani.
33Zvino Mozisi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
34Vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,
35neAtirotishofani, neJazeri, neJogibheha,
36neBheti-nimura, neBheti-harani, ari maguta akakombwa namasvingo, ana matanga amakwai.
37Vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreari, neKiriataimi,
38neNebho, neBhaari-meoni (vashandura mazita awo), neSibhima; vakatumidza maguta avakavaka mamwe mazita.
39Vana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaenda Giriyadhi, vakarikunda, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
40Mozisi akapa Makiri, mwanakomana waManase, Giriyadhi, iye akagaramo.
41Jairi, mwanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi.
42Nobha akandokunda Kenati, nemisha yaro yakanga yakabatwa naro, akaritumidza Nobha, nezita rake.