1Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeEgipita namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.
2Mozisi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo.
3Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaEgipita vose,
4vaEgipita vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo.
5VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti.
6Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje.
7Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi-hahiroti, pamberi peBhaari-sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori.
8Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje, vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara.
9Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo.
10Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku.
11Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini.
12Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika.
13Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi.
14Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokumwa yavanhu.
15Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai.
16Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti-hatava.
17Vakasimuka paKibhuroti hatava, vakandodzika paHazeroti.
18Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima.
19Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni-perezi.
20Vakasimuka paRimon-iperezi, vakandodzika paRibhina.
21Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa.
22Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata.
23Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi.
24Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha.
25Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti.
26Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati.
27Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera.
28Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika.
29Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona.
30Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti.
31Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene-jakani.
32Vakasimuka paBhene-jakani, vakandodzika paHorihagidhigadhi.
33Vakasimuka paHori-hagidhigadhi, vakandodzika paJotibhata.
34Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona.
35Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEZiyoni-gebheri.
36Vakasimuka paEZiyoni-gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi).
37Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu.
38Aroni mupristi akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paEgipita, nomwedzi wechishanu,nezuva rokutanga romwedzi.
39Aroni wakange ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.
40Zvino mambo weAradhi, muKanani, wakange agere kurutivi rweZasi munyika yeKanani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya.
41Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona.
42Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni.
43Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti.
44Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye-abharimi, pamuganhu weMoabhu.
45Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni-gadhi.
46Vakasimuka paDhibhoni-gadhi, vakandodzika paArimoni-dhibhurataimi.
47Vakasimuka paArimoni-dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho.
48Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJoridhani paJeriko.
49Vakadzika matende avo paJoridhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu.
50Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJoridhani paJeriko, akati,
51Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Joridhani, mukasvika munyika yeKanani,
52munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu,nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira.
53Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nekuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu.
54Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu.
55Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, nesemhinzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemwi munyika mamugere.
56Ipapo ndichakuitirai imwi sezvandakafunga kuvaitira ivo.