Shona

Syriac: NT

Numbers

34

1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana masvika munyika yeKanani (ndiyo nyika ichava nhaka yenyu, iyo nyika yeKanani, kusvikira kumiganhu yayo,)
3rutivi rwenyu rwezasi runofanira kutanga murenje reZini ruchienda nokurutivi rweEdhomu; muganhu wenyu wezasi uchatanga pamuuyu weGungwa roMunyu, uchienda kumabvazuva;
4zvino muganhu wenyu upote nechezasi kwegomo reAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini, ugobuda nechezasi kweKadheshi-bharinea; zvino upfuure kuHazari-adhari, ugondosvika Azimoni;
5zvino muganhu unofanira kupota uchitanga paAzimoni, kusvika kurukova rweEgipita, ndokubuda paGungwa.
6Muganhu wenyu wokumavirazuva ndiro Gungwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganhu wokumavirazuva.
7Ndiwo muganhu wenyu wokumusoro: Kubva paGungwa Guru munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pagomo reHori;
8kubva paHori munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pavanopinda paHamati, muganhu ugondogumira paZedhadhi.
9Zvino muganhu upfuurire kusvika paZifuroni, ugondoguma paHazari-enani; ndiwo muganhu wenyu wokumusoro.
10Munofanira kutarawo muganhu wenyu wokumabvazuva, kubva paHazari-enani kusvika paShefami.
11Kubva paShefami muganhu uburukire Ribhira, kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke, ugondosvika kurutivi rwegungwa reKinereti kumabvazuva;
12zvino muganhu uburukire kuJoridhani, ugondoguma paGungwa roMunyu; ndiyo ichava nyika yenyu nemiganhu yayo kunhivi dzose.
13Mozisi akaraira vana vaIsiraeri, akati, Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;
14nekuti rudzi rwavana vaRubheni, nedzimba dzamadzibaba avo, norudzi rwavana vaGadhi, nedzimba dzamadzibaba avo, vatopiwa havo, nehafu yorudzi rwaManase vatopiwa havo nhaka yavo;
15marudzi awa maviri nehafu akapiwa nhaka yawo nechemhiri kwaJoroclhani paJeriko, kumabvazuva kunobuda zuva nako.
16Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
17Ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika kuti ive nhaka yenyu: Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni.
18Munofanira kutsaurawo muchinda mumwe kurudzi rumwe norumwe kugovera nyika ive nhaka yenyu.
19Ndiwo mazita avarume ivavo: Kurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune;
20kurudzi rwavana vaSimioni, Shemueri, mwanakomana waAmihudhi;
21kurudzi kwaBhenjamini, Eridhadhi, mwanakomana waKisironi;
22kurudzi rwavaDhani, muchinda Bhuki, mwanakomana waJogiri;
23kuvana vaJosefa, kurudzi rwavana vaManase, muchinda Hanieri, mwanakomana waEfodhi;
24kurudzi rwavana vaEfuremu, muchinda Kemueri, mwanakomana waShifitani;
25kurudzi rwavana vaZebhuruni, muchinda Erizafani, mwanakomana waAzani ;
26kurudzi rwavana vaIsakari, muchinda Patieri, mwanakomana waAzani,
27kurudzi rwavana vaAsheri, muchinda Ahihudhi, mwanakomana waSheromi;
28kurudzi rwavana vaNafutari, muchinda Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.
29Ndivo vakarairwa naJehovha kuti vagovere nyika yeKanani, ive nhaka yavana vaIsiraeri.