1Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJoridhani paJeriko, akati,
2Raira vana vaIsiraeri, kuti vape vaRevhi panhaka yavakagara ivo, maguta mavangagara; munofanirawo kupa vaRevhi ruwa runopoteredza maguta avo.
3Vanofanira kuva namaguta mavangagara; noruwa rwawo runofanira kuva rwemombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose.
4Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa vaRevhi, runofanira kutanga parusvingo rweguta ndokupoteredza guta kusvika pamakubhiti ane chiuru chimwe kunhivi dzose.
5Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.
6Maguta amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta matanhatu outiziro, amunofanira kuvapa, kuti muurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuvapa maguta ana makumi mana namaviri.
7Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta ana makumi mana namasere, iwo noruwa rwawo.
8Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.
9Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
10Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Joridhani, mukapinda munyika yeKanani,
11munofanira kuzvisanangurira maguta, ave maguta outiziro kwamuri; kuti muurayi, anouraya munhu asingaiti nohwoni atizireko.
12Maguta iwayo anofanira kuva kwamuri utiziro pamutsivi, kuti muurayi arege kufa, asina kumbotongwa pamberi peungano.
13Maguta amunovapa, anofanira kuva kwamuri maguta matanhatu outiziro.
14Munofanira kuvapa maguta matatu mhiri kwaJoridhani, namamwe maguta matatu munofanira kuvapa munyika yeKanani; ndiwo anofanira kuva maguta outiziro.
15Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsiraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni, atizireko.
16Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
17Kana achinge amuuraya nebwe riri muruoko rwake, ringauraya munhu, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
18Kana achinge amurova nenhumbi yamatanda iri muruoko rwake, ingauraya munhu, akafa, wava muurayi; muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
19Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya muurayi amene; kana akasangana naye, unofanira kumuuraya.
20Kana achinge amusunga achimuvenga, kana kumuposhera, amuvandira, akafa;
21kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.
22Asi kana achinge amusunda kamwe-kamwe, asina kumuvenga, kana kumuposhera nechinhu, asina kumuvandira,
23kana nebwe, ringauraya munhu, akarikanda pamusoro pake, asingamuoni, akafa, iye asina kumuvenga, kana kutsvaka kumukuvadza;
24zvino ungano inofanira kutonga mhosva pakati pomukuvadzi nomutsivi weropa nemirairo iyi:
25Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupristi mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.
26Asi kana nguva ipi neipi muurayi akadarika muganhu weguta rake routiziro, kwaakanga atizira,
27mutsivi weropa akamuwana kunze komuganhu weguta rako routiziro, mutsivi weropa akauraya muurayi uyo, iye haangavi nemhosva yeropa rake;
28nekuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupristi mukuru afa; asi kana mupristi mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.
29Izvi zvinofanira kuva kwamuri murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kose.
30Ani naani unouraya munhu, muurayi anofanira kuurawa nokupupura kwezvapupu; asi chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu akaurawa.
31Uye hamufaniri kugamuchira dzikunuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, anofanira kuti aurawe; asi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
32Musagamuchira dzikunuro pamusoro pomunhu wakatizira kuguta routiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kusvikira mupristi afa.
33Naizvozvo hamufaniri kusvibisa nyika mamugere, nekuti ropa rinosvibisa nyika; nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi koga neropa romunhu wakariteura.
34Musasvibisa nyika mamugere, mandigerewo ini; nekuti ini Jehovha ndigere pakati pavana vaIsiraeri.