Shona

Syriac: NT

Numbers

4

1Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,
2Verenga vanakomana vose vaKohati pakati pavana vaRevhi, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
3vana makore ana makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, vose vanopinda pabasa, kuti vaite basa mutende rokusangana.
4Ndiro basa ravanakomana vaKohati mutende rokusangana pazvinhu zvitsvene-tsvene:
5Kana ungano ichisimuka, Aroni anofanira kupinda navanakomana vake, vagobvisa chidzitiro, ndokufukidza areka yechipupuriro nacho.
6Zvino vanofanira kuisa pamusoro pazvo chokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokuwarira pamusoro pazvo mucheka mutema wose, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.
7Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema patafura yechingwa chokuratidza, ndokuisa pamusoro payo midziyo, nembiya, nemikombe, nezvimbiya zvokudira nazvo; nechingwa chamazuva ose chinofanira kuva pamusoro payo.
8Zvino vanofanira kuwarira pamusoro pazvo mucheka mutsvuku, ndokuufukidza nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.
9Vanofanira kutorawo mucheka mutema, vagofukidza nawo chigadziko chemwenje yokuvhenekesa nayo, nemwenje yacho, nembato dzacho, nendiro dzacho, nemidziyo yacho yose yamafuta, yavanobata nayo.
10Zvino vanofanira kuchiputira pamwechete nenhumbi dzacho dzose muchokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokuchiisa pamatanda.
11Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema pamusoro pearitari yendarama, ndokuifukidza nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda ayo okutakura nawo.
12Vanofanira kutorawo nhumbi dzose dzokubata nadzo paimba tsvene, vagodziputira mumucheka mutema, ndokudzifukidza nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokuzviisa pamatanda.
13Vanofanira kubvisawo madota paaritari, ndokuwarira pamusoro payo mucheka mushava,
14ndokuisa pamusoro payo nhumbi dzayo dzose, dzavanobata nadzo pairi, dzinoti: Zvaenga zvomoto, nezvikokovonho zvenyama, nefoshoro, nemidziyo, nhumbi dzose dzearitari, vagowarira pamusoro payo chokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokupinza matanda okutakura nawo.
15Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana.
16Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuhwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.
17Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,
18Rudzi rwemhuri dzavaKohati ngarurege kuparadzwa pakati pavaRevhi;
19asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene-tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.
20Asi ngavarege kupinda kundoona imba tsvene, kunyange iri nguva duku, kuti varege kufa.
21Jehovha akataura naMozisi akati,
22Verenga vanakomana vose vaGeshoni, dzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo.
23Uverenge vanamakore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu; vose vanopinda kundobata basa, kubata mutende rokusangana.
24Ndiro basa remhuri dzavaGeshoni pakubata napakutakura mitoro:
25Ivo vanofanira kutakura machira etabhenakeri, netende rokusangana; nechokufukidzira chayo, nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, chiri pamusoro payo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana;
26nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuwo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzearitari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.
27Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.
28Ndiro basa remhuri dzavana vaGeshoni patende rokusangana; pabasa ravo rose vanofanira kurairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
29Kana vari vanakomana vaMerari, unofanira kuvaverenga nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo.
30Uverenge vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu, mumwe nomumwe, vose vanopinda pabasa, kubata basa retende rokusangana.
31Ndiro basa ravo rokutakura, sezvavanofanira kubata mutende rokusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
32nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvaritarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.
33Ndiro basa remhuri dzavanakomana vaMerari, sezvavaifanira kubata basa mutende rokusangana, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
34Zvino Mozisi naAroni namachinda eungano vakaverenga vanakomana vaKohati nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo;
35vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe vose vaifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;
36vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe namakumi mashanu.
37Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavaKohati, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
38Vakaverengwa vavanakomana vaGeshoni nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
39vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana,
40vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo nedzimba dzamadzibaba avo, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu namakumi matatu.
41Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavana vaGeshoni, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha.
42Vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
43vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;
44vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo, vakasvika zviuru zvitatu namazana maviri.
45Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
46Zvino vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni namachinda avaIsiraeri, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
47vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda kuzobata basa, nebasa rokutakura mitoro mutende rokusangana,
48vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvisere namazana mashanu namakumi masere.
49Vakaverengwa sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, mumwe nomumwe pabasa rake, napamutoro wake; vakaverengwa saizvozvo naye, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.