1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.
3Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.
4Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa, sezvakataura Jehovha naMozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. Zvakabiwa zvinofanira kudzoswa
5Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
6Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva;
7Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.
8Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupristi, kunze kwegondobwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.
9Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana valsiraeri, zvavanouya nazvo kumupristi, zvinofanira kuva zvake.
10Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupristi nomunhu chinofanira kuva chake.
11Jehovha akataura naMozisi akati,
12Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira,
13mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikamwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;
14murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa;
15ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti,chegumi choupfu bwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuhwira pamusoro pahwo; nekuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
16Zvino mupristi anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha
17Ipapo mupristi anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupristi agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura.
18Zvino mupristi anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura musoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupristi ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka.
19Ipapo mupristi anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka;
20asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,
21zvino mupristi anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupristi ndokuti kumukadzi, Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako;
22mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa chidya chako; zvino mukadzi anofanira kuti, Ameni, ameni.
23Ipapo mupristi anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa.
24Zvino anofanira kumwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise.
25Zvino mupristi anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuaritari;
26mupristi ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paaritari, ndokumwisa mukadzi mvura iyo pashure.
27Zvino kana amumwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake
28Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve.
29Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa;
30kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira nomurayiro uyu wose.
31Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake.