Shona

Syriac: NT

Numbers

6

1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
2Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana murume, kunyange, mukadzi, akazvisunga nokupika kukuru, kupika komuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha;
3anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kumwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kumwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.
4Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvika pamateko.
5Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.
6Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo.
7Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda komunin'ina wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa; nekuti akazvitsaurira Mwari.
8Mutsvene kuna Jehovha mazuva ose okuzvinatsa kwake.
9Kana munhu akafa kamwe-kamwe pedo naye, akasvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo anofanira kuveura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wechinomwe anofanira kuuveura.
10Musi worusere anofanira kuuya kumupristi nenjiva mbiri kana twana twuviri twenjiva pamukova wetende rokusangana;
11mupristi agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
12Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nekuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
13Ndiwo murayiro womuNaziri, kana mazuva okuzvitsaura kwake achinge apera. Anofanira kuiswa kumukova wetende rokusangana;
14kuti ape Jehovha chipo chake, chinoti gwayana rimwe, regondobwe regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chinopiswa, negwayana rimwe resheche regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chezvivi, negondobwe rimwe risina kuremara, chive chipiriso chokuyananisa,
15nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa, zvakazodzwa namafuta, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
16mupristi anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha, ndokugadzira chipiriso chake chezvivi nechipiriso chake chinopiswa;
17ndokuuya negondobwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
18Zvino muNaziri anofanira kuveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rokusangana, ndokutora vhudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamoto uri pasi pechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
19Zvino mupristi anofanira kutora bandauko regondobwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
20Zvino mupristi anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupristi, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri angamwe
21ndiwo murayiro womuNaziri pakupika kwake, nechipo chake chokuzvitsaurira Jehovha, zvimwe zvaangagona kuuya nazvo zvisingaverengwi; sezvaakapika, ndizvo zvaachaita nomurayiro wokuzvitsaura nawo.
22Jehovha akataura naMozisi, akati,
23Taura naAroni navanakomana vake, uti, Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutowo uyu: Muti kwavari,
24Jehovha akuropafadze, akuchengete;
25Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha;
26Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.
27Nokudaro vachaisa zita rangu pavana vaIsiraeri; neni ndichavaropafadza.