Shona

Syriac: NT

Numbers

7

1Zvino nomusi Mozisi waakapedza / kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, nearitari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,
2machinda avaIsiraeri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vakauya nezvipo zvavo; ndivo vaiva machinda amarudzi, ndivo vakanga vari vatariri vavanhu vakaverengwa;
3vakauya nezvipo zvavo pamberi paJehovha, zvinoti: Ngoro nhanhatu dzaiva namatende, nenzombe dzine gumi nembiri, machinda maviri ane ngoro imwe, mumwe nomumwe ane nzombe imwe; vakauya nazvo pamberi petabhenakeri.
4Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
5Gamuchira izvozvo kwavari, kuti mabasa etende rokusangana aitwe nazvo; unofanira kuzvipa vaRevhi, mumwe nomumwe zvinoringana mabasa ake.
6Ipapo Mozisi akagamuchira ngoro idzo nenzombe, akazvipa vaRevhi.
7Akapa vanakomana vaGeshoni ngoro mbiri nenzombe ina, zvakaringana mabasa avo.
8Akapawo vanakomana vaMerari ngoro ina nenzombe sere, zvakaringana mabasa avo, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
9Asi haana kupa vanakomana vaKohati chinhu nekuti ndivo vakanga vane basa renzvimbo tsvene; vaifanira kuzvitakura pamafudzi avo.
10Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira aritari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi pearitari.
11Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ngavauye nezvipo zvavo zvokutsaurira aritari, muchinda mumwe nomumwe nomusi wake.
12Zvino akauya nechipo chake nezuva rokutanga akanga ari Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu, worudzi rwaJudha.
13Chipo chake yakanga iri ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
14nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
15nemhuru hono imwe negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,
16nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
17nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
18Nezuva repiri Netaneri, mwanakomana waZuari, muchinda waIsakari, akauyisa chipo chake.
19Akauya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
20nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
21nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
22nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
23nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.
24Nezuva retatu Eriabhu, mwanakomana waHeroni, muchinda wavana vaZebhuruni, akauya.
25Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu,nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta chive chipiriso choupfu;
26nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
27nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
28nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
29nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriabhu, mwanakomana waHeroni.
30Nezuva rechina Erizuri, mwanakomana waShedheuri, muchinda wavana vaRubheni, akauya.
31Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
32nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
33nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
34nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
35nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErizuri, mwanakomana waShedheuri.
36Nezuva reshanu Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, muchinda wavana vaSimioni, akauya.
37Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
38nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
39nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
40nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
41nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
42Nezuva retanhatu Eriasafi, mwanakomana waDheueri, muchinda wavana vaGadhi, akauya.
43Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu,
44nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
45nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
46nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
47nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriasafi, mwanakomana waDheueri.
48Nezuva rechinomwe Erishama, mwanakomana waAmihudhi, muchinda wavana vaEfuremu, akauya.
49Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
50nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
51nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
52nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
53nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.
54Nezuva rorusere Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, muchinda wa vana vaManase, akauya.
55Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
56nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
57nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
58nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
59nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
60Nezuva repfumbamwe Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, muchinda wavana vaBhenjamini, akauya.
61Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
62nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
63nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
64nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
65nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
66Nezuva regumi Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, muchinda wavana vaDhani, akauya.
67Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
68nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
69nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
70nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
71nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
72Nezuva regumi nerimwe Pagieri, mwanakomana waOkirani, muchinda wavana vaAsheri, akauya.
73Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
74nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
75nenzombe imwe, negondobwe rimwe negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
76nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
77nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaPagieri, mwanakomana waOkirani.
78Nezuva regumi namaviri Ahira, mwanakomana waEnani, muchinda wavana vaNafutari, akauya.
79Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
80nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuhwira,
81nenzombe imwe, negondobwe rimwe, negwayana rimwe regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,
82nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
83nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhira, mwanakomana waEnani.
84Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari nomusi wayakazodzwa nawo namachinda aIsiraeri. Ndiro huru dzesirivha dzine gumi nembiri, nemidziyo yesirivha ine gumi nembiri, nendiro dzendarama dzine gumi nembiri;
85ndiro imwe huru yesirivha yakasvika mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe nomumwe mashekeri ana makumi manomwe; sirivha yose yemidziyo yose yakasvika mashekeri ane zviuru zviviri namazana mana, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene;
86nendiro dzine gumi nembiri dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, imwe neimwe yakanga ina mashekeri ane gumi, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; ndarama yose yendiro yakasvika mashekeri ane zana namakumi maviri;
87nzombe dzose dzezvipiriso zvinopiswa dzakasvika nzombe dzine gumi nembiri, namakondobwe ane gumi namaviri, namakwayana amakondobwe egore rimwe ane gumi namaviri, nezvipiriso zvazvo zvoupfu; nenhongo dzembudzi gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi;
88nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondobwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondobwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari, shure kokuzodzwa kwayo.
89Zvino Mozisi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa inzwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.