1Zvino ndakaona mumwe mutumwa une simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri pamusoro wake, chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto;
1ܘܚܙܝܬ ܐܚܪܢܐ ܡܠܐܟܐ ܕܢܚܬ ܡܢ ܫܡܝܐ ܘܡܥܛܦ ܥܢܢܐ ܘܩܫܬܐ ܕܫܡܝܐ ܥܠ ܪܫܗ ܘܚܙܘܗ ܐܝܟ ܫܡܫܐ ܘܪܓܠܘܗܝ ܐܝܟ ܥܡܘܕܐ ܕܢܘܪܐ ܀
2uye wakange ane bhuku duku rakazaruka muruoko rwake, akaisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika;
2ܘܐܝܬ ܠܗ ܒܐܝܕܗ ܟܬܒܘܢܐ ܦܬܝܚܐ ܘܤܡ ܪܓܠܗ ܕܝܡܝܢܐ ܥܠ ܝܡܐ ܕܤܡܠܐ ܕܝܢ ܥܠ ܐܪܥܐ ܀
3zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
3ܘܩܥܐ ܒܩܠܐ ܪܡܐ ܐܝܟ ܐܪܝܐ ܕܓܤܪ ܘܟܕ ܩܥܐ ܡܠܠܘ ܫܒܥܐ ܪܥܡܝܢ ܒܩܠܝܗܘܢ ܀
4Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndakange ndododa kunyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nekutinhira kunomwe usanyora zvinhu izvi.
4ܘܟܕ ܡܠܠܘ ܫܒܥܐ ܪܥܡܝܢ ܡܛܝܒ ܗܘܝܬ ܠܡܟܬܒ ܘܫܡܥܬ ܩܠܐ ܡܢ ܫܡܝܐ ܕܫܒܥܐ ܕܐܡܪ ܚܬܘܡ ܗܘ ܡܐ ܕܡܠܠܘ ܫܒܥܐ ܪܥܡܝܢ ܘܠܐ ܬܟܬܒܝܘܗܝ ܀
5Ipapo mutumwa uya wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika, wakasimudzira ruoko rwake kudenga,
5ܘܡܠܐܟܐ ܗܘ ܕܚܙܝܬ ܕܩܐܡ ܥܠ ܝܡܐ ܘܥܠ ܝܒܫܐ ܕܐܪܝܡ ܐܝܕܗ ܠܫܡܝܐ ܀
6akapika naiye mupenyu kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezvinhu zvirimo, nenyika nezvinhu zvirimo, negungwa nezvinhu zvirimo, kuti nguva haingazovipo.
6ܘܝܡܐ ܒܗܘ ܕܚܝ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܗܘ ܕܒܪܗ ܠܫܡܝܐ ܘܕܒܗ ܘܠܐܪܥܐ ܘܕܒܗ ܕܬܘܒ ܙܒܢܐ ܠܐ ܢܗܘܐ ܀
7Asi nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita.
7ܐܠܐ ܒܝܘܡܬܐ ܕܡܠܐܟܐ ܕܫܒܥܐ ܡܐ ܕܥܬܝܕ ܠܡܙܥܩ ܘܐܫܬܠܡ ܐܪܙܗ ܕܐܠܗܐ ܗܘ ܕܤܒܪ ܠܥܒܕܘܗܝ ܢܒܝܐ ܀
8Zvino inzwi randakanzwa richibva kudenga rakataura kwandirizve rikati: Enda utore bhuku duku rakazaruka riri muruoko rwemutumwa, umire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika.
8ܘܩܠܐ ܫܡܥܬ ܡܢ ܫܡܝܐ ܬܘܒ ܕܡܡܠܠ ܥܡܝ ܘܐܡܪ ܙܠ ܤܒ ܠܟܬܒܘܢܐ ܕܒܐܝܕܗ ܕܡܠܐܟܐ ܕܩܐܡ ܥܠ ܐܪܥܐ ܘܥܠ ܝܡܐ ܀
9Ndikabva ndaenda kumutumwa, ndokuti kwaari: Ndipei bhuku duku. Akati kwandiri: Tora uridye; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi.
9ܘܐܙܠܬ ܠܘܬ ܡܠܐܟܐ ܟܕ ܐܡܪ ܐܢܐ ܠܗ ܠܡܬܠ ܠܝ ܠܟܬܒܘܢܐ ܘܐܡܪ ܠܝ ܤܒ ܘܐܟܘܠܝܗܝ ܘܢܡܪ ܠܟ ܟܪܤܟ ܐܠܐ ܒܦܘܡܟ ܢܗܘܐ ܐܝܟ ܕܒܫܐ ܀
10Zvino ndakatora bhuku duku muruoko rwemutumwa ndikaridya; rikava mumuromo mangu seuchi kutapira; asi ndakangoti ndaridya dumbu rangu rikavava.
10ܘܢܤܒܬ ܠܟܬܒܘܢܐ ܡܢ ܐܝܕܗ ܕܡܠܐܟܐ ܘܐܟܠܬܗ ܘܐܝܬ ܗܘܐ ܒܦܘܡܝ ܐܝܟ ܕܒܫܐ ܚܠܝܐ ܘܟܕ ܐܟܠܬܗ ܡܪܬ ܟܪܤܝ ܀
11Akati kwandiri: Unofanira kuporofitazve pamberi pevanhu nendudzi nendimi nemadzimambo.
11ܘܐܡܪ ܠܝ ܝܗܝܒ ܠܟ ܬܘܒ ܙܒܢܐ ܠܡܬܢܒܝܘ ܥܠ ܥܡܡܐ ܘܐܡܘܬܐ ܘܠܫܢܐ ܘܡܠܟܐ ܤܓܝܐܐ ܀