Shona

Syriac: NT

Revelation

11

1Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita semudonzvo; uye mutumwa wakamira achiti: Simuka uyere tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.
1ܘܐܬܝܗܒ ܠܝ ܩܢܝܐ ܕܡܘܬܐ ܕܫܒܛܐ ܘܩܐܡ ܗܘܐ ܡܠܐܟܐ ܘܐܡܪ ܩܘܡ ܘܡܫܘܚ ܠܗܝܟܠܐ ܕܐܠܗܐ ܘܠܡܕܒܚܐ ܘܠܐܝܠܝܢ ܕܤܓܕܝܢ ܒܗ ܀
2Asi ruvanze ruri kunze kwetembere usiye, uye usaruyera; nekuti rwakapiwa kuvechirudzi; vachatsikira guta dzvene pasi petsoka mwedzi makumi mana nemiviri.
2ܘܠܕܪܬܐ ܕܠܓܘ ܡܢ ܗܝܟܠܐ ܐܦܩ ܡܢ ܠܒܪ ܘܠܐ ܬܡܫܚܝܗ ܡܛܠ ܕܐܬܝܗܒܬ ܠܥܡܡܐ ܘܠܡܕܝܢܬܐ ܩܕܝܫܬܐ ܢܕܘܫܘܢ ܝܪܚܐ ܐܪܒܥܝܢ ܘܬܪܝܢ ܀
3zvekare ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu zvakapfeka masaga.
3ܘܐܬܠ ܠܬܪܝܢ ܤܗܕܝ ܠܡܬܢܒܝܘ ܝܘܡܝܢ ܐܠܦ ܘܡܐܬܝܢ ܘܫܬܝܢ ܟܕ ܥܛܝܦܝܢ ܤܩܐ ܀
4Ava ndiyo miti miviri yemiorivhi nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
4ܗܠܝܢ ܐܢܘܢ ܬܪܝܢ ܙܝܬܝܢ ܘܬܪܬܝܢ ܡܢܪܢ ܕܩܕܡ ܡܪܐ ܕܟܠܗ ܐܪܥܐ ܩܝܡܝܢ ܀
5Kana kune unoda kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo mavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana munhu achishuva kuvakuvadza, unofanira kuurawa saizvozvi.
5ܘܡܢ ܕܒܥܐ ܕܢܗܪ ܐܢܘܢ ܢܦܩܐ ܢܘܪܐ ܡܢ ܦܘܡܗܘܢ ܘܐܟܠܐ ܠܒܥܠܕܒܒܝܗܘܢ ܘܠܐܝܢܐ ܕܨܒܐ ܕܢܗܪ ܐܢܘܢ ܗܟܢ ܝܗܝܒ ܠܗܘܢ ܠܡܬܩܛܠܘ ܀
6Ava vane simba rekupfiga denga kuti kusanaya nemazuva ekuporofita kwavo; uye vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ose kazhinji sezvavanoda.
6ܘܗܠܝܢ ܐܝܬ ܠܗܘܢ ܫܘܠܛܢܐ ܕܢܐܚܕܘܢ ܠܫܡܝܐ ܕܠܐ ܢܚܘܬ ܡܛܪܐ ܒܝܘܡܬܐ ܕܢܒܝܘܬܗܘܢ ܘܐܝܬ ܠܗܘܢ ܫܘܠܛܢܐ ܕܢܗܦܟܘܢ ܡܝܐ ܠܕܡܐ ܘܕܢܡܚܘܢ ܠܐܪܥܐ ܒܟܠ ܡܚܘܢ ܟܡܐ ܕܢܨܒܘܢ ܀
7Uye kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, chigovakunda nekuvauraya.
7ܘܡܐ ܕܫܡܠܝܘ ܤܗܕܘܬܗܘܢ ܚܝܘܬܐ ܕܤܠܩܐ ܡܢ ܝܡܐ ܬܥܒܕ ܥܡܗܘܢ ܩܪܒܐ ܘܬܙܟܐ ܐܢܘܢ ܘܬܩܛܘܠ ܐܢܘܢ ܀
8Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu pamuchinjikwa.
8ܘܫܠܕܝܗܘܢ ܥܠ ܫܘܩܐ ܕܡܕܝܢܬܐ ܪܒܬܐ ܐܝܕܐ ܕܡܬܩܪܝܐ ܪܘܚܢܐܝܬ ܤܕܘܡ ܘܡܨܪܝܢ ܐܝܟܐ ܕܡܪܗܘܢ ܐܨܛܠܒ ܀
9Zvekare vanobva kuvanhu nemarudzi nendimi nendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe muguva.
9ܘܚܙܝܢ ܡܢ ܐܡܘܬܐ ܘܫܪܒܬܐ ܘܠܫܢܐ ܘܥܡܡܐ ܠܫܠܕܝܗܘܢ ܬܠܬܐ ܝܘܡܝܢ ܘܦܠܓܗ ܘܠܫܠܕܝܗܘܢ ܠܐ ܢܫܒܩܘܢ ܠܡܬܬܤܡܘ ܒܩܒܪܐ ܀
10Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nekuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.
10ܘܥܡܘܪܝܗ ܕܐܪܥܐ ܢܚܕܘܢ ܥܠܝܗܘܢ ܘܢܬܦܨܚܘܢ ܘܡܘܗܒܬܐ ܢܫܕܪܘܢ ܠܚܕܕܐ ܡܛܠ ܬܪܝܢ ܢܒܝܝܢ ܕܫܢܩܘ ܠܥܡܘܪܝܗ ܕܐܪܥܐ ܀
11Zvino shure kwemazuva matatu nehafu mweya weupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vose vakavaona.
11ܘܡܢ ܒܬܪ ܬܠܬܐ ܝܘܡܝܢ ܘܦܠܓܗ ܪܘܚܐ ܚܝܬܐ ܡܢ ܐܠܗܐ ܥܠܬ ܒܗܘܢ ܘܩܡܘ ܥܠ ܪܓܠܝܗܘܢ ܘܪܘܚܐ ܕܚܝܐ ܢܦܠܬ ܥܠܝܗܘܢ ܘܕܚܠܬܐ ܪܒܬܐ ܗܘܬ ܥܠ ܐܝܠܝܢ ܕܚܙܝܢ ܠܗܘܢ ܀
12Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vakavaona.
12ܘܫܡܥܘ ܩܠܐ ܪܒܐ ܡܢ ܫܡܝܐ ܕܐܡܪ ܠܗܘܢ ܤܩܘ ܠܟܐ ܘܤܠܩܘ ܠܫܡܝܐ ܒܥܢܢܐ ܘܡܨܕܝܢ ܒܗܘܢ ܒܥܠܕܒܒܝܗܘܢ ܀
13Zvino nenguva iyoyo kudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo, chegumi cheguta ndokuwa, nevanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara vakavhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.
13ܘܒܫܥܬܐ ܗܝ ܗܘܐ ܙܘܥܐ ܪܒܐ ܘܚܕ ܡܢ ܥܤܪܐ ܕܡܕܝܢܬܐ ܢܦܠܘ ܘܐܬܩܛܠܘ ܒܙܘܥܐ ܫܡܗܐ ܕܓܒܪܐ ܐܠܦܐ ܫܒܥܐ ܘܕܫܪܟܐ ܗܘܘ ܒܕܚܠܬܐ ܘܝܗܒܘܢ ܬܫܒܘܚܬܐ ܠܐܠܗܐ ܕܒܫܡܝܐ ܀
14Nhamo yechipiri yapfuura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.
14ܗܐ ܬܪܝܢ ܘܝ ܐܙܠܘ ܘܗܐ ܘܝ ܕܬܠܬܐ ܐܬܐ ܡܚܕܐ ܀
15Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuvako kudenga, achiti: Ushe hwenyika ino hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye uchatonga kusvikira rinhi narinhi.
15ܘܡܠܐܟܐ ܕܫܒܥܐ ܙܥܩ ܘܗܘܘ ܩܠܐ ܪܘܪܒܐ ܒܫܡܝܐ ܕܐܡܪܝܢ ܗܘܬ ܡܠܟܘܬܗ ܕܥܠܡܐ ܕܐܠܗܢ ܘܕܡܫܝܚܗ ܘܐܡܠܟ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܀
16Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.
16ܘܥܤܪܝܢ ܘܐܪܒܥܐ ܩܫܝܫܐ ܐܝܠܝܢ ܕܩܕܡ ܐܠܗܐ ܝܬܒܝܢ ܥܠ ܟܘܪܤܘܬܗܘܢ ܢܦܠܘ ܥܠ ܐܦܝܗܘܢ ܘܤܓܕܘ ܠܐܠܗܐ ܀
17vachiti: Tinokupai kuvonga imwi, Ishe Mwari Wamasimbaose, uripo, wakange aripo, neuchauya; nekuti makazvitorera simba renyu guru, mukatonga.
17ܠܡܐܡܪ ܡܘܕܝܢܢ ܠܟ ܡܪܝܐ ܐܠܗܐ ܐܚܝܕ ܟܠ ܕܐܝܬܘܗܝ ܘܐܝܬܘܗܝ ܗܘܐ ܕܢܤܒܬ ܒܚܝܠܟ ܪܒܐ ܘܐܡܠܟܬ ܀
18Marudzi akatsamwa, nekutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vaduku nevakuru; uye yekuvaparadza avo vanoparadza nyika.
18ܘܥܡܡܐ ܪܓܙܘ ܘܐܬܐ ܪܘܓܙܟ ܘܙܒܢܐ ܕܡܝܬܐ ܕܢܬܕܝܢܘܢ ܘܬܬܠ ܐܓܪܐ ܠܥܒܕܝܟ ܢܒܝܐ ܘܠܩܕܝܫܐ ܘܠܕܚܠܝ ܫܡܟ ܠܙܥܘܪܐ ܥܡ ܪܘܪܒܐ ܘܬܚܒܠ ܠܐܝܠܝܢ ܕܚܒܠܘ ܠܐܪܥܐ ܀
19Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano mutembere yake; ndokuvapo mheni, nemanzwi, nekutinhira, nekudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
19ܘܐܬܦܬܚ ܗܝܟܠܐ ܒܫܡܝܐ ܘܐܬܚܙܝܬ ܩܝܒܘܬܐ ܕܕܝܬܩܐ ܕܝܠܗ ܒܗܝܟܠܐ ܘܗܘܘ ܒܪܩܐ ܘܪܥܡܐ ܘܩܠܐ ܘܢܘܕܐ ܘܒܪܕܐ ܪܒܐ ܀