Shona

Turkish

Genesis

16

1Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, waiva asingamuberekeri vana; uye waiva nemurandakadzi, muEgipita, zita rake riri Hagari.
1Karısı Saray Avrama çocuk verememişti. Sarayın Hacer adında Mısırlı bir cariyesi vardı.
2Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Tarira zvino, Jehovha wakandikonesa pakubereka, pinda hako kumura­ndakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye. Abhuramu ndokuteerera shoko raSarai.
2Saray Avrama, ‹‹RAB çocuk sahibi olmamı engelledi›› dedi, ‹‹Lütfen, cariyemle yat. Belki bu yoldan bir çocuk sahibi olabilirim.›› Avram Sarayın sözünü dinledi.
3Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu wakatora Hagari muEgipita mura­ndakadzi wake, pakupera kwemakore gumi Abhuramu agere panyika yeKanani, ndokumupa kuna Abhuramu murume wake kuti ave mukadzi wake.
3Saray Mısırlı cariyesi Haceri kocası Avrama karı olarak verdi. Bu olay Avram Kenanda on yıl yaşadıktan sonra oldu.
4Zvino wakapinda kuna Hagari, iye ndokutora mimba. Zvino wakati aona kuti wava nemimba, vatenzikadzi vake vakashoreka pameso ake.
4Avram Hacerle yattı, Hacer hamile kaldı. Hacer hamile olduğunu anlayınca, hanımını küçük görmeye başladı.
5Zvino Sarai wakati kuna Abhuramu: Kukanganiswa kwangu kuri pamu­soro pako. Ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino paakaona kuti wava nemimba, ndinoshoreka pameso ake. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.
5Saray Avrama, ‹‹Bu haksızlık senin yüzünden başıma geldi!›› dedi, ‹‹Cariyemi koynuna soktum. Hamile olduğunu anlayınca beni küçük görmeye başladı. İkimiz arasında RAB karar versin.››
6Asi Abhuramu wakati kuna Sarai: Ta­rira, murandakadzi wako uri paruoko rwako. Muitire zvakanaka pameso ako. Zvino Sa­rai wakamuomesera, akatiza pachiso chake.
6Avram, ‹‹Cariyen senin elinde›› dedi, ‹‹Neyi uygun görürsen yap.›› Böylece Saray cariyesine sert davranmaya başladı. Hacer onun yanından kaçtı.
7Mutumwa waJehovha akamuwana pachitubu chemvura murenje, pachutubu chiri panzira inoenda kuShuri.
7RABbin meleği Haceri çölde bir pınarın, Şur yolundaki pınarın başında buldu.
8Zvino wakati: Hagari, murandakadzi waSarai, unobvepi, uye unoendepi? Iye ndokuti: Ndino­tiza pachiso chaSarai vatenzikadzi vangu.
8Ona, ‹‹Sarayın cariyesi Hacer, nereden gelip nereye gidiyorsun?›› diye sordu. Hacer, ‹‹Hanımım Saraydan kaçıyorum›› diye yanıtladı.
9Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Dzokera kuna vatenzikadzi vako, ugozvininipisa pasi pemaoko avo.
9RABbin meleği, ‹‹Hanımına dön ve ona boyun eğ›› dedi,
10Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Ndichawanza zvikuru mbeu yako kuti isaverengwa nekuwanda.
10‹‹Senin soyunu öyle çoğaltacağım ki, kimse sayamayacak.
11Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: Tarira, une mimba, uye uchabereka mwanakomana, ugotumidza zita rake kuti Ishimaeri, nekuti Jehovha wanzwa ku­tambudzika kwako.
11‹‹İşte hamilesin, bir oğlun olacak,Adını İsmailfü koyacaksın.Çünkü RAB sıkıntı içindeki yakarışını işitti.
12Iye uchava mbizi yemunhu, ruoko rwake rwucharwisa munhu wose, neruoko rwemunhu wose rwuchamurwisa; uye uchagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
12Oğlun yaban eşeğine benzer bir adam olacak,O herkese, herkes de ona karşı çıkacak.Kardeşlerinin hepsiyle çekişme içinde yaşayacak.›› da ‹‹Bütün kardeşlerinin yaşadığı yerin doğusuna yerleşecek››.
13Zvino akatumidza zita raJehovha wa­kataurirana naye kuti: Imwi Mwari wekuona. Nekuti wakati: Pano neni ndamutarisa here iye unondiona?
13Hacer, ‹‹Beni gören Tanrıyı gerçekten gördüm mü?›› diyerek kendisiyle konuşan RABbe ‹‹El-Roi›› adını verdi.
14Naizvozvo chitubu chakanzi Bheeriahiroi; tarira, chiri pakati peKa­dheshi neBheredhi.
14Bu yüzden Kadeşle Beret arasındaki o kuyuya Beer-Lahay-Roi adı verildi. anlamına gelir.
15Hagari ndokuberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu ndokutumidza zita remwanakomana wake, Hagari waakabereka kuti: Ishimaeri.
15Hacer Avrama bir erkek çocuk doğurdu. Avram çocuğun adını İsmail koydu.
16Abhu­ramu waiva nemakore makumi ma­sere nematanhatu, Hagari paakaberekera Abhuramu Ishimaeri.
16Hacer İsmail'i doğurduğunda, Avram seksen altı yaşındaydı.