Shona

Turkish

Genesis

17

1Zvino Abhuramu paakange ava nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu, ndokuti kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
1Avram doksan dokuz yaşındayken RAB ona görünerek, ‹‹Ben Her Şeye Gücü Yeten Tanrıyım›› dedi, ‹‹Benim yolumda yürü, kusursuz ol.
2Zvino ndichaita su­ngano yangu pakati pangu newe, ndigo­kuwanza zvikurusa.
2Seninle yaptığım antlaşmayı sürdürecek, soyunu alabildiğine çoğaltacağım.››
3Abhuramu ndokuwa nechiso chake, Mwari ndokutaura naye, achiti:
3Avram yüzüstü yere kapandı. Tanrı,
4Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe; uye uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.
4‹‹Seninle yaptığım antlaşma şudur›› dedi, ‹‹Birçok ulusun babası olacaksın.
5Nezita rako haricha­zonzi Abhuramu, asi zita rako richava Abhurahamu; nekuti ndakuita baba vechaunga chendudzi.
5Artık adın Avram değil, İbrahim olacak. Çünkü seni birçok ulusun babası yapacağım.
6Ndichakuitawo ubere­ke zvikuru; uye ndichakuita ndudzi, nemadzimambo achabuda kwauri.
6Seni çok verimli kılacağım. Soyundan uluslar doğacak, krallar çıkacak.
7Uye ndichasimbisa sungano yangu pa­kati pangu newe, nembeu yako inokute­vera pamazera ayo, kuti ive sungano isingaperi, kuti ndive Mwari kwauri nekumbeu yako inokutevera.
7Antlaşmamı seninle ve soyunla kuşaklar boyunca, sonsuza dek sürdüreceğim. Senin, senden sonra da soyunun Tanrısı olacağım.
8Zvino ndichapa kwauri nekumbeu yako inokutevera nyika yauri mweni mairi, nyika yose yeKanani, ive yako nekusingaperi; uye ndichava Mwari wavo.
8Bir yabancı olarak yaşadığın toprakları, bütün Kenan ülkesini sonsuza dek mülkünüz olmak üzere sana ve soyuna vereceğim. Onların Tanrısı olacağım.›› anlamına gelir.
9Mwari akatiwo kuna Abhurahamu: Naizvozvo iwe uchachengeta sungano yangu, nembeu yako inokutevera pamazera ayo ose.
9Tanrı İbrahime, ‹‹Sen ve soyun kuşaklar boyu antlaşmama bağlı kalmalısınız›› dedi,
10Ndiyo sungano yangu, yamuchachengeta pakati pangu nemwi nembeu yako inokutevera; chirume chose pamuri chinofanira kudzingiswa.
10‹‹Seninle ve soyunla yaptığım antlaşmanın koşulu şudur: Aranızdaki erkeklerin hepsi sünnet edilecek.
11Zvino muchadzingisa nyama yechikanda chenyu chepamberi; uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemwi.
11Sünnet olmalısınız. Sünnet aramızdaki antlaşmanın belirtisi olacak.
12Uye mwanakomana wemazuva masere uchadzingiswa pakati penyu, chirume chose pamazera enyu, unozvarwa mumba, neunotengwa ne­mari kumutorwa upi neupi, usiri wembeu yako.
12Evinizde doğmuş ya da soyunuzdan olmayan bir yabancıdan satın alınmış köleler dahil sekiz günlük her erkek çocuk sünnet edilecek. Gelecek kuşaklarınız boyunca sürecek bu.
13Wakazvarwa mumba mako newakatengwa nemari yako unofanira kudzingiswa. Uye sungano yangu ichava pa­nyama yenyu, ive sungano yekusingaperi.
13Evinizde doğan ya da satın aldığınız her çocuk kesinlikle sünnet edilecek. Bedeninizdeki bu belirti sonsuza dek sürecek antlaşmamın simgesi olacak.
14Zvino chirume chisina kudzingiswa, chine nyama yechikanda chepamberi isina kudzingiswa, mweya uyo unofanira kugurwa kubva pavanhu vekwake, wadarika sungano yangu.
14Sünnet edilmemiş her erkek halkının arasından atılacak, çünkü antlaşmamı bozmuş demektir.››
15Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Sarai mukadzi wako, usadana zita rake kuti Sarai, nekuti Sarai ndiro zita rake.
15Tanrı, ‹‹Karın Saraya gelince, ona artık Saray demeyeceksin›› dedi, ‹‹Bundan böyle onun adı Sara olacak.
16Zvino ndichamuropafadza, ndigokupawo mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza agova ndudzi, madzimambo evanhu achabva maari.
16Onu kutsayacak, ondan sana bir oğul vereceğim. Onu kutsayacağım, ulusların anası olacak. Halkların kralları onun soyundan çıkacak.››
17Abhurahamu ndokuwa nechiso chake, ndokuseka, ndokuti mumoyo make: Une makore zana ungaberekerwa here? Ko naSara wava nemakore makumi mapfumba­mwe achabereka here?
17İbrahim yüzüstü yere kapandı ve güldü. İçinden, ‹‹Yüz yaşında bir adam çocuk sahibi olabilir mi?›› dedi, ‹‹Doksan yaşındaki Sara doğurabilir mi?››
18Abhurahamu ndokuti kuna Mwari: Dai Ishimaeri achirarama pamberi penyu!
18Sonra Tanrıya, ‹‹Keşke İsmaili mirasçım kabul etseydin!›› dedi.
19Zvino Mwari wakati kwaari: Kwete, Sara mukadzi wako uchakubere­kera mwanakomana; uye uchadana zita rake kuti Isaka; uye ndichamisa su­ngano yangu naye, ive sungano yekusingaperi pambeu yake inomutevera.
19Tanrı, ‹‹Hayır. Ama karın Sara sana bir oğul doğuracak, adını İshakfç koyacaksın›› dedi, ‹‹Onunla ve soyuyla antlaşmamı sonsuza dek sürdüreceğim.
20Kana zviri zvaIshimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, uye ndichamuita abereke, nekumuwanza zvikurusa; uchabereka madzishe gumi nemaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
20İsmaile gelince, seni işittim. Onu kutsayacak, verimli kılacak, soyunu alabildiğine çoğaltacağım. On iki beyin babası olacak. Soyunu büyük bir ulus yapacağım.
21Asi sungano yangu ndichaimisa naIsaka, Sara waachakuberekera nenguva ino ma­kei.
21Ancak antlaşmamı gelecek yıl bu zaman Saranın doğuracağı oğlun İshakla sürdüreceğim.››
22Zvino wakapedza kutaura naye, Mwari ndokukwira achibva kuna Abhurahamu.
22Tanrı İbrahimle konuşmasını bitirince ondan ayrılıp yukarıya çekildi.
23Abhurahamu ndokutora Ishimaeri mwanakomana wake nevose vaka­zvarwa mumba make, nevose vakatengwa nemari yake, chirume chose pakati peveimba yaAbhurahamu, akadzingisa zvikanda zvavo zvepamberi nemusi iwoyo, Mwari sezvaataura kwaari.
23İbrahim evindeki bütün erkekleri -oğlu İsmaili, evinde doğanların, satın aldığı uşakların hepsini- Tanrının kendisine buyurduğu gibi o gün sünnet ettirdi.
24Zvino Abhurahamu waiva nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe paakadzingiswa panyama yechikanda chepamberi yake.
24İbrahim sünnet olduğunda doksan dokuz yaşındaydı.
25Nalshimaeri, mwanakomana wake waiva nemakore gumi nematatu paakadzingiswa nyama yechikanda chepamberi yake.
25Oğlu İsmail on üç yaşında sünnet oldu.
26Nemusi iwoyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwe­ naIshimaeri mwanakomana wake.
26İbrahim, oğlu İsmaille aynı gün sünnet edildi.
27Nevarume vose veimba yake, vakazvarirwa mumba nevakatengwa nemari kumutorwa, vakadzingiswa pamwe naye.
27İbrahim'in evindeki bütün erkekler -evinde doğanlar ve yabancılardan satın alınanlar- onunla birlikte sünnet oldu.