Shona

Turkish: New Testament

Psalms

141

1Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri.
2Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuhwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana.
3Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu.
4Regai kurerekesa moyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama.
5Akarurama ngaandirove netsitsi; andituke; ave mafuta pamusoro wangu, musoro wangu haungaarambi; nekuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo.
6Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka.
7Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mafupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori.
8nekuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu.
9Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama.
10Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.