Shona

Turkish: New Testament

Psalms

142

1Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.
2Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.
3Panguva yokumanikidzwa komweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.
4Tarirai kurudyi rwangu, muone; nekuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu.
5Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu.
6Teererai kudanidzira kwangu; nekuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nekuti vanondikurira nesimba.
7Budisai mweya wangu patirongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; nekuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.