1. Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; nekuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura.
2Ndichadanidzira kuna Mwari Wekumusoro-soro; Kuna Mwari anondiitira zvose.
3Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nechokwadi chake.
4Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza.
5Imwi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
6Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene.
7moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
8Muka iwe moyo wangu, muka iwe mutengeramwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
9Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
10Nekuti tsitsi dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, chokwadi chenyu inosvikira kudenga rose.
11imwi mukudzwe Mwari, kumusoro kokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.