1Inzwai shoko iri, imwi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imwi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, Uyai nezvokumwa timwe.
2Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikokovonho, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove.
3Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu;
5uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nekuti ndizvo zvinokufadzai, imwi vana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
7Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mwedzi mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma.
8Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundomwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
10Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Egipita; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
11Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imwi mukaita sechitsiga chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12Saka ndichakuitirai izvi, imwi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusongana naMwari wenyu, imwi Isiraeri.
13nekuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.