1Inzwai shoko iri randinokuchemai naro, imwi imba yalsiraeri.
2Mhandara yalsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
3nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Paimba yaIsiraeri guta, rakabuda kundorwa navane chiuru chamazana, richasara nezana roga, uye rakabuda nezana richasara negumi.
4nekuti zvanzi naIshe Jehovha kuimba yaIsiraeri, Nditsvakei, murarame;
5asi regai kutsvaka Bhetieri, kana kupinda Girigari, kana kupfuurira Bheerishebha; nekuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, Bhetieri richarova.
6Tsvakai Jehovha, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somoto unopedza zvose, kukasava nomunhu anoudzima paBhetieri.
7Imi, munoshandura kururamisira muchikuita segavakava, muchiwisira kururama pasi,
8tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
9anouyisira vane simba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
10Vanovenga anovaraira pasuwo, vanosema anotaura zvakarurama.
11Zvino zvamunotsika murombo pasi, muchitora dzimba dzamabwe akavezwa, asi hamungagarimo, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamungamwi waini yayo.
12nekuti ndinoziva kuti kudarika kwenyu kuzhinji, uye kuti zvivi zvenyu zvikuru, kwazvo, iyemi, munomanikidza vakarurama, munogamuchira fufuro, muchiramba anoshaiwa pasuwo.
13Saka akangwara achanyarara nenguva yakadai, nekuti inguva yakaipa.
14Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, kuti murarame, ipapo Jehovha, Mwari wehondo achava nemi, sezvamunoreva.
15Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, mururamisire vanhu musuwo; zvimwe Jehovha, iye Mwari wehondo, achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
16Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, Maiwe! Maiwe! Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
17Kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa; nekuti ndichapfuura napakati penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Vurombo kwamuri imwi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.
19Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka.
20Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
21Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa.
22Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa.
23Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nekuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
24Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
25Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibayiro nezvipo murenje makore ana makumi mana here?
26Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira.
27Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasiko, ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.