Shona

Ukranian: New Testament

Hosea

11

1Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Egipita.
2Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuhwira.
3Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.
4Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.
5Havangadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nekuti vakaramba kudzokera kwandiri.
6Munondo uchava nehasha pakati pemaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.
7Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidamwa kune Wekumusoro-soro, havatongosimuki.
8Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.
9Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nekuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.
10Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nekuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.
11Vachauya seshiri vachibva Egipita, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.