1VaIsiraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.
2Mwoyo yavo inonyengera, zvino vachapiwa mhaka; acharova maaritari avo, achaparadza shongwe dzavo.
3Zvirokwazvo, zvino vachati, Hatina mambo, nekuti hatityi Jehovha; kana ari mambo angatiitireiko?
4Vanotaura mashoko asina maturo, vanopika nhema pakuita kwavo sungano; naizvozvo kutongwa kwavo kunomera somuti unouraya mumihoronga yomunda.
5Vagere Samaria vachatya mhuru dzeBhetiavheni; nekuti vanhu varo vachaichema, navapristi varo vaiifarira, nokuda kokukudzwa kwayo, nekuti kwabva kwairi.
6Ichaiswawo Asiria, chive chipo chamambo Jarebhi; Efuremu vachanyadziswa, Isiraeri vachanyadziswa namano avo.
7Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura.
8Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, izvo zvivi zvaIsiraeri, dzichaparadzwa; munzwa norukato zvichamera pamaaritari avo; zvino vachati kumakomo, Tifukidzei, nokuzvikomo, Wirai pamusoro pedu.
9Aiwa, Isiraeri, makatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; ko vachakundwa nehondo inorwa navana vezvakaipa paGibhiya here?
10Nguva yandinoda ndichavaranga; marudzi avanhu achavaunganira kana vakasungirwa pazvisakarurama zvavo zviviri.
11Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura zviyo; asi ini ndimene ndasvika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutasvi pamusoro paEfuremu; Judha vacharima, Jakove achaputsa mavhinga ake.
12Zvidzvarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nekuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama.
13Makarima zvakashata, makacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nekuti makanga muchivimba nenzira yenyu, uye nokuwanda kwemhare dzenyu.
14Naizvozvo bope richamuka pakati pavanhu venyu, nhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bhetiaribheri nezuva rokurwa, mai vakaputsanyiwa pamwechete navana vavo.
15Ndizvo zvamuchaitirwa neBhetieri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsiraeri achaparadzwa chose mambakwedza.