1Regai kufara, imwi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nekuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.
2Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.
3Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Egipita, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.
4Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nekuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.
5Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?
6nekuti tarirai, vakabva nokuda kokuparadzwa, asi vaEgipita vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; mhinzwa ichava mumatende avo.
7Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nekuti ruvengo rukuru.
8Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.
9Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhiya; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.
10Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikamwa navo.
11Kana vari VaEfuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.
12Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.
13Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.
14Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.
15Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nekuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.
16Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikamwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.
17Mwari wangu achavarasha, nekuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.