Shona

Ukranian: New Testament

Hosea

8

1Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nekuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu.
2Vachadana kwandiri, vachiti, Mwari wangu, isu vaIsiraeri tinokuzivai.
3Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.
4Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.
5Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; kusvikira riniko pavachazokwanisa kusununguka pakurangwa?
6nekuti chinhu ichi chakabvawo kuvaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa-putswa.
7nekuti vanodzvara mhepo, vachacheka chamupupuri, havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyange chikabereka, zvichamedzwa navatorwa.
8Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikamwi nomunhu.
9nekuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira.
10Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
11Efuremu zvaakawanza maaritari okutadza nawo, maaritari ake akamutadzisa.
12Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurayiro wangu, asi vanoti ndezvavatorwa.
13Kana zviri zvibayiro zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Egipita.
14nekuti Isiraeri vakakangamwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.