1Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu koonekwa nezvakashata zveSamaria; nekuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.
2Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.
3Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.
4Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.
5Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.
6nekuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.
7Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.
8Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisina kushandurwa.
9Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi.
10Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro.
11Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Egipita, vanoenda Asiria.
12Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.
13Vane nhamo ivo nekuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nekuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikunura, vakandirevera nhema.
14Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhovo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.
15Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa
16Vanodzoka asi havangadzokeri kune Wekumusoro-soro; vakafanana neuta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeEgipita.