Shona

Ukranian: New Testament

Hosea

6

1Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nekuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara.
2Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake.
3Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika.
4Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? nekuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda.
5Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda.
6nekuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera.
8Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rinamakwapa eropa.
9Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapristi rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa.
10Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panovufeve, Isiraeri vakasvibiswa.
11Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.