1Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.
2Inzwai imwi marudzi avanhu, imwi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.
3nekuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamateru.
5Zvose izvi zvinoitwa nokuda kokudarika kwaJakove, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakove ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?
6Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichadurura mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.
7Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nekuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
8Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguvo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.
9nekuti mavanga aro haadi kupora, nekuti zvasvika kuna Judhawo; zvasvikira pasuwo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.
10Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti-re-Afura muumburuke muguruva.
11Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
12nekuti agere Maroti anomirira nemoyo zvikuru chinhu chakanaka, nekuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuwo reJerusaremu.
13Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZiyoni pazvivi, nekuti kudarika kwalsiraeri kwakawanikwa mauri.
14Saka iwe uchapa Moresheti-gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.
15Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa valsiraeri vachasvika paAdhurami.
16Zviitire mhazha, vevura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nekuti vakatapwa kure newe.