1Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana koedza, nekuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
2Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.
3Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nekuti inguva yakaipa.
4Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kokurira, vachiti, Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.
5Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha.
6Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi.
7Nhai imwi munonzi imba yaJakove, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here?
8Asi zuro vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munozumbura jasi panguvo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa.
9Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoteerera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi.
10simukai, muende, nekuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo.
11Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, Ndichakuporofitira zvewaini nezvinomwiwa zvinobata, iye achava muporofita wavanhu ava.
12Zvirokwazvo ndichakuunganidza, Jakove, iwe wose; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
13Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuwo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.